1
Kuverengwa 20:12
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nokuti hamuna kuvimba neni, hamuna kuratidza vaIsiraeri kururama nokuera kwangu imi hamuchandosvitsi vaIsiraeri kunyika yandakavapa.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Kuverengwa 20:8
“Tora tsvimbo iya, uunganidze gungano ravanhu. Iwe nomukoma wako Aroni udzai dombo vaIsiraeri vakatarisa kuti riburitse mvura. Ipapo muchavabudisira mvura padombo. Naizvozvo muchawanisa gungano rose pamwechete nezvipfuwo zvavo mvura yokunwa.”
3
Kuverengwa 20:11
Mosesi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura zhinji zhinji ikabuda, vanhu vakanwa pamwechete nezvipfuwo zvavo.
4
Kuverengwa 20:10
Mosesi naAroni vakaunganidza vanhu kudombo riya ndokuvati, “Chinzwai mhandupandu dzavanhu, imi! Ko tokubudisirai mvura padombo iri here?”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo