Logo YouVersion
Ikona Hľadať

Genesi 3

3
Kuedzwa nokusateerera kwavanhu vokutanga
1Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, “Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya miti yose yomunda?’ ”
2Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero yemiti pamunda, 3asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari akati, ‘Regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa.’ ”
4Nyoka ikati kumukadzi, “Hamungafi zviro kwazvo, 5nokuti Mwari anoziva kuti nomusi amunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”
6Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo. 7Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguo. 8Vakanzwa izwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda. 9Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, “Uripiko?”
10Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.”
11Iye akati, “Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti wandakakuraira kuti urege kuudya?”
12Munhu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.”
13Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko icho chawakaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.” 14Jehovha Mwari akati kunyoka, “Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. 15Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.”
16Kumukadzi akati, “Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako.”
17Kumunhu akati, “Zvawakateerera izwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, ‘Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako; 18ichakuberekera minzwa norukato, iwe uchadya miriwo yomusango; 19uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.’ ”
20Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Evha; nokuti ndiye mai vavapenyu vose. 21Jehovha Mwari akaitira munhu nomukadzi wake nguo dzamatehwe, akavafukidza nadzo.
22Zvino Jehovha Mwari akati, “Tarirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.” 23Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. 24Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.

Aktuálne označené:

Genesi 3: SNA2002

Zvýraznenie

Zdieľať

Kopírovať

None

Chceš mať svoje zvýraznenia uložené vo všetkých zariadeniach? Zaregistruj sa alebo sa prihlás

YouVersion používa súbory cookies na prispôsobenie tvojho zážitku. Používaním našej webovej stránky súhlasíš s používaním cookies tak, ako je popísané v našich Zásadách ochrany osobných údajov