Maraki 4
4
1“Nokuti tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. 2Asi imi, munotya zita rangu, muchabudirwa nezuva rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; muchabuda muchitamba semhuru dzomuchirugu. 3Muchatsikira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu, nezuva randichaita izvozvi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
4“Rangarirai murairo waMosesi muranda wangu, wandakamuraira paHorebhi, waVaIsiraeri, vose, izvo zvandakatema nezvandakaraira.
5“Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eriya, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika. 6Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.”
Одоогоор Сонгогдсон:
Maraki 4: SUB
Тодруулга
Хувилах
Харьцуулах
Хуваалцах
Тодруулсан зүйлсээ бүх төхөөрөмждөө хадгалмаар байна уу? Бүртгүүлэх эсвэл нэвтэрнэ үү
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.