1 VaKorinde 13

13
Kunaka kworudo
1Kunyangwe ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisina rudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti, Ngwerengwere! 2Kunyangwe ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyangwe ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu. 3Kunyangwe ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyangwe ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsiri chinhu.
4Rudo runo mwoyo murefu, runo mwoyo munyoro; rudo haruna godo; rudo haruna manyawi haruzvikudzi; 5haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura; 6harufariri zvisakarurama, asi runofarira chokwadi; 7runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose.
8Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchabviswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa.
9Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana; 10asi kana zvakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabviswa.
11Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana. 12Nokuti zvino tinoona pachioni–oni, tisingaoni kwazvo; asi nenguva iyo tichaona neziso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neniwo.
13Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.

Šiuo metu pasirinkta:

1 VaKorinde 13: SUB

Paryškinti

Kopijuoti

Palyginti

Dalintis

None

Norite, kad paryškinimai būtų įrašyti visuose jūsų įrenginiuose? Prisijunkite arba registruokitės