1
VaRoma 15:13
Shona BIBLE
SUB
Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene.
Palyginti
Naršyti VaRoma 15:13
2
VaRoma 15:4
Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.
Naršyti VaRoma 15:4
3
VaRoma 15:5-6
Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei mwoyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu; kuti mukudze Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe.
Naršyti VaRoma 15:5-6
4
VaRoma 15:7
Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.
Naršyti VaRoma 15:7
5
VaRoma 15:2
Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa.
Naršyti VaRoma 15:2