Logo YouVersion
Îcone de recherche

Mavambo Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Mavambo kana kuti Genesisi ndiro bhuku rokutanga romuBhaibhiri rinotaura matangiro akaita zvinhu. Ndimo matinotaurirwa masikirwo akaitwa denga napasi namatangiro akaita vanhu kuti vavepo. Rinotiudzawo mapindiro akaita chitadzo muvanhu nokupfukirwa kwakaita vanhu nechitadzo ichocho. Rinotiudzawo mabatiro anoita Mwari munhu. Bhuku raMavambo iri rinogona kupatsanurwa muzvikamu zviviri:
1. Chitsauko 1–11 Chikamu chokutanga chinobvira pachitsauko chokutanga kusvikira panoperera chitsauko chegumi nechiposhi. Muchikamu ichochi munorondedzerwa nyaya dzokusikwa kwakaitwa denga napasi nokusikwa kwezvinhu zvose nenhoroondo dzokutanga kwerudzi rwavanhu vokutanga. Ndimo mune nyaya yaAdhamu naEvha uye yaKaini naAbhero kouya nyaya yaNowa kozoti nyaya yeShongwe yokuBhabheri.
2. Chitsauko Chikamu 12—50. chechipiri chinotangira pachitsauko chegumi nechipiri kusvikira panogumira chitsauko chechimakumi mashanu. Chikamu ichochi chinotaura nezvamadzitateguru avaIsiraeri, Abhurahamu naIsaki naJakobho (wacho ane zita rokuti Isiraeri.)
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raMavambo
Kusikwa kwedenga napasi nokusikwa kwavanhu (1:1—2:25)
Kupinda kwakaita chitadzo muvanhu nenhamo yachakauyisa (3:1–24)
Kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Nowa (4:1—5:32)
Mafashamo emvura yenguva yaNowa (6:1—10:32)
Kupesaniswa kwendimi dzavanhu paShongwe yeBhabheri (11:1–9)
Nhoroondo yokubva pana Shemu kusvikira pana Abhurahamu (11:10–32)
Madzitateguru avaIsiraeri, Abhurahamu naIsaki naJakobho (12:1—35:29)
Zvizvarwa zvokwaEsau (36:1–43)
Josefi navakoma vake (37:1—45:28)
VaIsiraeri vari muIjipiti (46:1—50:26)

Surbrillance

Partager

Copier

None

Tu souhaites voir tes moments forts enregistrés sur tous tes appareils? Inscris-toi ou connecte-toi

YouVersion utilise des cookies pour personnaliser votre expérience. En utilisant notre site Web, vous acceptez l'utilisation des cookies comme décrit dans notre Politique de confidentialité