YouVersion Logo
Search Icon

VaFiripi 2

2
Kuzvininipisa saKristu
1Kana muine kurudziro inobva pakubatana naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, 2ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa. 3Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi. 4Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo.
5Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu:
6Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye,
haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa,
7asi akazviita chinhu pasina,
akatora chimiro chomuranda chaiye,
akaitwa somunhu.
8Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu,
akazvininipisa
uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa.
9Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro,
uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,
10kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame,
mudenga napanyika uye napasi penyika,
11uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe,
kuti Mwari Baba vakudzwe.
Kupenya seNyeredzi
12Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera, 13nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka.
14Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, 15kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika 16sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina. 17Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose. 18Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni.
Timoti naEpafrodhitasi
19Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu. 20Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka. 21Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu. 22Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri. 23Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei. 24Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza.
25Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhitasi, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azondibatsira pane zvandaishayiwa. 26Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara. 27Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa. 28Naizvozvo ndinoshinga kwazvo kuti ndimutume, kuti pamunomuonazve mugofara uye ini ndive nokufunganya kushoma. 29Mugamuchirei muna She nomufaro mukuru, uye mukudze munhu akaita saiyeye, 30nokuti akapotsa afa nokuda kwebasa raKristu, akaisa upenyu hwake panjodzi kuti akwanise kubatsira kwamakanga musingagoni kundiitira imi.

Currently Selected:

VaFiripi 2: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy