YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 2

2
Kuberekwa kwaJesu
1Mumazuva iwayo Kesari Ogasitasi akapa chirevo chokuti vagari vose venyika dzose dzaitongwa neRoma vaverengwe. 2Uku ndiko kwaiva kuverengwa kwokutanga kwakaitwa panguva yaKuriniasi paakanga ari mubati weSiria. 3Uye mumwe nomumwe akaenda kuguta rake kuti andonyoresa.
4Saka Josefawo akakwidza achibva kuguta reNazareta muGarirea achienda kuJudhea, kuBheterehema guta raDhavhidhi nokuti akanga ari weimba yaDhavhidhi neworudzi rwake. 5Akaenda ikoko kundonyoresa naMaria, waakanga atsidzira kuzowanana naye uye akanga ava napamuviri. 6Vachiri ikoko, nguva yokuzvarwa kwomwana yakasvika, 7akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo.
Vafudzi naVatumwa
8Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku. 9Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomberedza, uye vakatya kwazvo. 10Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose. 11Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe. 12Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.”
13Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti:
14“Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro,
uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”
15Vatumwa vakati vabva kwavari uye vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehema tindoona chinhu chaitika ichi, chataudzwa nezvacho naShe.”
16Saka vakakurumidza kusimuka vakaenda vakandowana Maria naJosefa, nomwana, akanga avete muchidyiro chezvipfuwo. 17Vakati vamuona, vakaparadzira shoko maererano nezvakanga zvataurwa pamusoro pomwana uyu, 18uye vose vakazvinzwa vakashamiswa nezvavakataurirwa navafudzi. 19Asi Maria akachengeta zvinhu zvose izvi akazvifungisisa mumwoyo make. 20Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa uye zvavakaona, zvakanga zvakangoita sezvavakanga vataurirwa.
Jesu Anokumikidzwa muTemberi
21Pazuva rorusere, nguva yokudzingiswa kwake yasvika, akatumidzwa zita rokuti Jesu, zita raakanga apiwa nomutumwa asati aumbwa mudumbu.
22Nguva yokuzvinatsa kwavo maererano noMurayiro waMozisi yakati yakwana, Josefa naMaria vakaenda naye kuJerusarema kundomukumikidza kuna She 23sezvazvakanyorwa muMurayiro waShe, kuti “Mwanakomana wose wedangwe anofanira kutsaurirwa Ishe,” 24uye kuti vabayire chibayiro maererano nezvinorehwa muMurayiro waShe zvichinzi: “njiva mbiri kana hangaiwa duku mbiri.”
25Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake. 26Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe. 27Akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro, 28Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti:
29“Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa,
zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare.
30Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
31rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose,
32chiedza chinovhenekera veDzimwe Ndudzi
uye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”
33Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake. 34Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa, 35kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”
36Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake, 37ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera. 38Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema.
39Josefa naMaria vakati vaita zvose zvaidikanwa noMurayiro waShe, vakadzokera kuGarirea kuguta ravo reNazareta. 40Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake.
Jesu paTemberi
41Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika. 42Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwidza naye kuMutambo, maererano netsika yavo. 43Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi. 44Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo. 45Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka. 46Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera uye achivabvunza mibvunzo. 47Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake. 48Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.”
49Iye akati, “Manga muchinditsvakireiko? Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?” 50Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.
51Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo. 52Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, achidiwa naMwari uye navanhu.

Currently Selected:

Ruka 2: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy