YouVersion Logo
Search Icon

Jona 2

2
Munyengetero waJona
1Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake. 2Akati:
“Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha,
iye akandipindura.
Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe,
uye imi makanzwa kuchema kwangu.
3Makandikandira makadzika,
mumwoyo chaimo megungwa,
uye mvura zhinji ikandikomberedza;
mafungu enyu ose namapopoma enyu ose
zvakapfuura napamusoro pangu.
4Ndakati, ‘Ndaraswa kubva
pamberi penyu,
asi ndichatarirazve ndakaringa
kutemberi yenyu tsvene.’
5Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa;
pakadzikadzika pakandikomberedza;
sora regungwa rakamonera musoro wangu.
6Kumidzi yamakomo ndakanyura;
nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi.
Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba,
imi Jehovha Mwari wangu.
7“Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza,
ndakakurangarirai, imi Jehovha,
uye munyengetero wangu wakauya kwamuri,
kutemberi yenyu tsvene.
8“Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo,
vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.
9Asi ini, norwiyo rwokuvonga,
ndichabayira kwamuri.
Zvandakapika ndichazvizadzisa.
Ruponeso runobva kuna Jehovha.”
10Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.

Currently Selected:

Jona 2: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy