YouVersion Logo
Search Icon

Joere 2

2
Hondo yeMhashu
1Ridzai hwamanda muZioni;
ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene.
Vanhu vose vagere munyika ngavadedere
nokuti zuva raJehovha riri kuuya.
Rava pedyo,
2zuva rerima nokusuwa,
zuva ramakore nokusviba.
Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo,
hondo huru ine simba guru iri kuuya;
zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare,
uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera.
3Moto unoparadza pamberi padzo,
marimi omoto ari kupisa shure kwadzo.
Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni,
shure kwadzo kwangova gwenga risina basa,
hapana chinopunyuka.
4Pakuonekwa kwadzo dzakaita samabhiza;
dzinomhanya samabhiza ehondo.
5Nokutinhira sokwengoro
dzinokwakuka pamusoro pamakomo
dzichidya mashanga semoto unopisa uswa hwakaoma,
sehondo ine simba yabuda kundorwa.
6Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya;
vose vanocheneruka kumeso.
7Dzinorwisa samauto;
dzinokwira madziro savarwi.
Dzinofamba dzakateverana
dzisingatsauki padzakananga napo.
8Hadzikwikwidzani pakufamba,
imwe neimwe inofamba yakananga mberi.
Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei,
pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.
9Dzinobhururuka dzakananga muguta;
dzinomhanya pamusoro porusvingo.
Dzinokwira dzichipinda mudzimba;
dzinopinda napamawindo sembavha.
10Pamberi padzo, pasi panozunguzika,
denga rinodedera,
zuva nomwedzi zvinosviba
uye nyeredzi dzinodzima.
11Jehovha anoomba,
ari pamberi pehondo yake;
mauto ake haaverengeki,
uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake.
Zuva raJehovha iguru;
rinotyisa kwazvo.
Ndiani angamira musi waro?
Bvarurai Mwoyo Yenyu
12Jehovha anoti, “Kunyange zvino,
tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose
muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.”
13Bvarurai mwoyo yenyu,
kwete nguo dzenyu.
Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu,
iye ane nyasha uye ane tsitsi,
anononoka kutsamwa
uye ane rudo rukuru;
anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.
14Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi,
uye agokusiyirai mukomborero
wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa
zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.
15Ridzai hwamanda muZioni.
Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene,
danai vanhu kuungano tsvene.
16Unganidzai vanhu,
munatse ungano iyi,
unganidzai pamwe chete vakuru,
unganidzai vana,
vachiri kuyamwa.
Vachangowanana, murume ngaabude muimba yake
nomwenga muimba yake.
17Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha
ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari.
Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha.
Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa,
chirevo pakati pendudzi.
Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti,
‘Mwari wavo aripiko?’ ”
Mhinduro yaJehovha
18Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake,
uye achanzwira vanhu vake tsitsi.
19Jehovha achavapindura achiti,
“Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta,
zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo,
handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi.
20“Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro,
ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko,
dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva,
uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero.
Uye kunhuhwa kwadzo kuchakwira;
kunhuhwa kwadzo kukuru kuchakwira.”
Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru.
21Usatya iwe nyika;
fara zvako upembere.
Zvirokwazvo Jehovha aita zvinhu zvikuru.
22Musatya, imi mhuka dzesango,
nokuti mafuro ava kusvibira.
Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo.
23Farai imi vanhu veZioni,
farai muna Jehovha Mwari wenyu,
nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama.
Anokupai mvura yakawanda,
yokupedzisira neyebumharutsva sakare.
24Mapuriro enyu achazara nezviyo,
uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva namafuta.
25“Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu:
mhashu dzemagutaguta nedzegwatakwata,
dzimwe mhashu nefararira remhashu;
hondo yangu huru yandinotuma pakati penyu.
26Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta,
ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu,
uyo akakuitirai zvishamiso;
vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
27Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri,
uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu,
uyewo kuti hakuna mumwe;
vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
Zuva raJehovha
28“Uye mushure maizvozvo,
ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.
Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,
vatana venyu vacharota hope,
majaya enyu achaona zviratidzo.
29Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi,
ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.
30Ndicharatidza zvishamiso kudenga
napanyika,
ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
31Zuva richashanduka rigova rima,
uye mwedzi uchava ropa,
zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
32Uye ani naani anodana
kuzita raJehovha achaponeswa;
nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema
muchava noruponeso,
sezvakataurwa naJehovha,
pakati pavanopunyuka,
avo vachadanwa naJehovha.

Currently Selected:

Joere 2: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy