YouVersion Logo
Search Icon

Johani 9

9
Jesu Anoporesa Munhu Akaberekwa Ari Bofu
1Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. 2Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?”
3Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake. 4Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo. 5Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”
6Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya. 7Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.
8Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?”
9Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.”
Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.”
10Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?”
11Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akarizora pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”
12Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?”
Iye akati, “Handizivi.”
VaFarisi vanobvunzisisa pamusoro poKuporeswa
13Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi. 14Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikazorwa pameso omurume uya naJesu, raiva zuva reSabata. 15Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Azora dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.”
16Vamwe vaFarisi vakati, “Murume uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.”
Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana.
17Pakupedzisira vakadzokerazve kumurume uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.”
Murume uya akapindura akati, “Muprofita.”
18Kunyange zvakadaro, vaJudha havana kubvuma kuti akanga ari bofu uye kuti akanga asvinudzwa meso ake, kusvikira vadana vabereki vake. 19Vakati kwavari, “Mwanakomana wenyu here uyu? Ndiye here wamunoti akaberekwa ari bofu? Seiko ava kuona iye zvino?”
20Vabereki vake vakati, “Tinoziva kuti ndiye mwanakomana wedu, uye tinoziva kuti akaberekwa ari bofu. 21Asi kuti ari kuona sei nhasi kana kuti ndiani asvinudza meso ake, isu hatizivi. Mubvunzei. Akura; achazvidavirira oga.” 22Vabereki vake vakataura izvi nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kuti ani naani anenge angopupura kuti Jesu ndiye Kristu aizofanira kubudiswa musinagoge. 23Ndokusaka vabereki vake vakati, “Akura mubvunzei iye.”
24Vakadanazve murume uya akambenge ari bofu kechipiri. Vakati kwaari, “Ipa mbiri kuna Mwari. Isu tinoziva kuti murume uyu mutadzi.”
25Akapindura akati, “Kana ari mutadzi kana asiri, ini handizvizivi. Ndinoziva chinhu chimwe chete. Ndakanga ndiri bofu asi zvino ndoona!”
26Ipapo vakamubvunza vakati, “Akaiteiko kwauri? Akasvinudza meso ako seiko?”
27Akapindura akati, “Ndanguri ndakuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodireiko kuzvinzwazve? Munoda kuva vadzidzi vakewo here?”
28Ipapo vakamutuka vakati, “Iwe hako ndiwe mudzidzi wake munhu uyu! Isu tiri vadzidzi vaMozisi! 29Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi kana ari munhu uyu, hatimbozivi kwaanobva.”
30Murume uya akapindura akati, “Zvino, izvi zvinoshamisa chose! Hamuzivi kwaanobva, asi iye akasvinudza meso angu. 31Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake. 32Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu. 33Dai murume uyu asina kubva kuna Mwari, haaigona kuita chinhu.”
34Ipapo vakapindura vakati, “Iwe wakaberekerwa muchivi; unoda seiko kutidzidzisa!” Ipapo vakamubudisa kunze.
Ubofu hwapamweya
35Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, uye akati amuwana, akati kwaari, “Unotenda here kuMwanakomana woMunhu?”
36Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.”
37Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.”
38Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata.
39Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.”
40Vamwe vaFarisi vaiva naye vakamunzwa achitaura izvi vakati, “Watii? Nesuwo tiri mapofu here?”
41Jesu akati, “Dai maiva mapofu, mungadai musina mhosva yechivi; asi zvino zvamunoti munoona, mhosva yenyu inoramba iripo.”

Currently Selected:

Johani 9: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy