YouVersion Logo
Search Icon

Genesisi 2

2
1Naizvozvo matenga nenyika zvakapera mukushongedzwa kukuru kwazvo kwose.
2Pazuva rechinomwe Mwari akanga apedza basa raakanga achiita; saka pazuva rechinomwe akazorora pamabasa ake ose. 3Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita.
Adhamu naEvha
4Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa.
Jehovha Mwari paakaita nyika namatenga, 5uye kwakanga kusati kwava namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika, 6asi hova dzaibuda dzichibva pasi uye dzichinyorovesa pasi pose, 7Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu.
8Zvino Jehovha Mwari akanga adyara bindu kumabvazuva, muEdheni; uye akaisa munhu waakanga aumba imomo. 9Uye Jehovha Mwari akaita mhando dzose dzemiti kuti dzimere kubva muvhu, miti yaifadza meso uye yakanga yakanaka pakudya. Pakati pebindu pakanga pano muti woupenyu nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.
10Rwizi rwaidiridza bindu rwaiyerera ruchibva muEdheni; kubva imomo rwakaparadzana rukava hova ina. 11Zita rerwokutanga ndiPishoni; runopoterera nomunyika yose yeHavhira, imomo mune goridhe. 12(Goridhe romunyika iyoyo rakanaka; uyewo dheriamu nebwe reonikisi zvirimo.) 13Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia. 14Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; runoyerera ruchitevedza rutivi rwamabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi.
15Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta. 16Uye Jehovha Mwari akarayira munhu achiti, “Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu; 17asi haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti pauchaudya uchafa zvirokwazvo.”
18Jehovha Mwari akati, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.”
19Zvino Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyisa kumunhu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nomunhu, ndiro rakava zita racho. 20Saka munhu akatumidza mazita kuzvipfuwo zvose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi kuna Adhamu kwakanga kusina kuwanikwa mubatsiri akamukwanira. 21Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu avate hope huru; uye paakanga achakavata, akatora rumwe rumbabvu rwomunhu akavhara nenyama nzvimbo yaakarubvisa.
22Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume.
23Murume akati,
“Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu
nenyama yenyama yangu;
achanzi ‘mukadzi’,
nokuti akatorwa kubva pamurume.”
24Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
25Murume nomukadzi wake vakanga vasina kusimira vose, uye havana kutongonyara.

Currently Selected:

Genesisi 2: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy