YouVersion Logo
Search Icon

2 VaTesaronika 3

3
Chikumbiro choMunyengetero
1Pakupedzisira, hama, mutinyengetererewo kuti shoko raShe rikurumidze kuparadzirwa uye kuti rikudzwe, sezvazvakanga zvakaita kwamuri. 2Uye munyengetere kuti tirwirwe kubva kune akaipa, nokuti havasi vose vanotenda. 3Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kune akaipa. 4Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai. 5Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu.
Yambiro pamusoro poUsimbe
6Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri. 7Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi, 8uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri. 9Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere. 10Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.”
11Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe. 12Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira. 13Uye kana murimi, hama, musaneta pakuita zvakanaka.
14Kana pano munhu asingateereri kurayira kwedu mutsamba iyi, mumungwarire. Musafambidzana naye, kuitira kuti anyare. 15Asi musamutora somuvengi, asi mumuyambire sehama.
Mashoko Okupedzisira
16Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose.
17Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu, chinova ndicho chiratidzo mutsamba dzangu dzose.
18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.

Currently Selected:

2 VaTesaronika 3: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy