YouVersion Logo
Search Icon

2 Petro 3

3
Zuva raIshe
1Vadikani, zvino iyi ndiyo tsamba yangu yechipiri. Ndakanyora dzose dziri mbiri sechiyeuchidzo, kuti ndimutse ndangariro dzenyu pakufunga kutsvene. 2Ndinoda kuti murangarire mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene uye nomurayiro wakapiwa naIshe noMuponesi wedu kubudikidza navapostori venyu.
3Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo. 4Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? Kubvira pakufa kwakaita madzibaba edu, zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakusikwa kwenyika.” 5Asi vanokanganwa nobwoni kuti kare neshoko raMwari denga rakavapo uye nyika ikaumbwa ichibva mumvura uye ikaitwa nemvura. 6Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa. 7Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.
8Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, vadikani, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete. 9Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.
10Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena.
11Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari, 12muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa. 13Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama.
14Saka zvino, vadikani, sezvo muchitarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe musina gwapa, musina chamunopomerwa uye muno rugare naye. 15Muzive izvi kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponeso, sokunyorerwa kwamakaitwa naPauro hama yedu, nouchenjeri hwaakapiwa naMwari. 16Anonyora zvimwe chetezvo mutsamba dzake dzose, achitaura nyaya idzodzi. Tsamba dzake dzine zvimwe zvikukutu kuti zvinzwisiswe, zvinominamiswa navasingazivi uye vanhu vasina simba, sezvavanoita mamwe Magwaro, kusvikira vaparadzwa.
17Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu. 18Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu.
Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni.

Currently Selected:

2 Petro 3: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy