YouVersion Logo
Search Icon

1 Timoti 2

2
Dzidziso pamusoro poKunamata
1Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, 2madzimambo navose vari kutonga, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene. 3Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu. 4Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi. 5Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu. 6Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira. 7Uye nokuda kwechikonzero ichi ndakaitwa muparidzi nomupostori, ndinokuudzai chokwadi, handisi kureva nhema, uye ndiri mudzidzisi wokutenda kwechokwadi kune veDzimwe Ndudzi.
8Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo.
9Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji, 10asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari.
11Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose. 12Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara. 13Nokuti Adhamu ndiye akatanga kuumbwa, tevere Evha. 14Uye Adhamu haasi iye akanyengerwa; mukadzi ndiye akanyengerwa akava mutadzi. 15Asi vakadzi vachaponeswa nokubereka vana kana vachirambira mukutenda, murudo noutsvene, uye nokuzvidzora.

Currently Selected:

1 Timoti 2: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy