YouVersion Logo
Search Icon

1 Johani 2

2
1Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama. 2Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.
3Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake. 4Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari. 5Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari: 6Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu.
7Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa. 8Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.
9Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima. 10Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa. 11Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza.
12Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda,
nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.
13Ndinokunyorerai, madzibaba,
nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.
Ndinokunyorerai, imi majaya,
nokuti makakunda iye akaipa.
Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa,
nokuti makaziva Baba.
14Ndinokunyorerai, madzibaba,
nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.
Ndinokunyorerai, imi majaya,
nokuti mune simba,
shoko raMwari rinogara mamuri,
uye makakunda iye akaipa.
Musada Nyika
15Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. 16Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza kwemunhu nokuda kwezvaanazvo nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika. 17Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi.
Yambiro pamusoro paVanaandikristu
18Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira. 19Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu.
20Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi. 21Handina kukunyorerai nokuda kwokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuda kwokuti munochiziva uye nokuti hakuna nhema dzinobva muchokwadi. 22Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana. 23Hakuna munhu anoramba Mwanakomana angava naBaba; ani naani anopupura Mwanakomana ndiye ana Babawo.
24Onai kuti zvamakanzwa kubva pakutanga zvagara mamuri. Kana zvikadaro, nemiwo muchagara muMwanakomana nomuna Baba. 25Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi.
26Ndiri kunyora zvinhu izvi kwamuri pamusoro pavaya vanoedza kukutsausai. 27Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.
Vana vaMwari
28Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake.
29Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.

Currently Selected:

1 Johani 2: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy