YouVersion Logo
Search Icon

1 Makoronike 3

3
Vanakomana vaDhavhidhi
1Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi vaakaberekerwa ari kuHebhuroni:
Dangwe rake rainzi Amunoni mwanakomana waAhinoami weJezireeri.
Wechipiri ainzi Dhanieri, mwanakomana waAbhigairi weKarimeri;
2wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri;
wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti,
3wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari uye
wechitanhatu Itireami nomukadzi wake Egira.
4Ava vatanhatu vakaberekerwa Dhavhidhi muHebhuroni umo maakatonga kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu.
Dhavhidhi akazotonga muJerusarema kwamakore makumi matatu namatatu 5uye ava ndivo vana vaakaberekerwa ikoko. Vaiva:
Shamua, Shobhabhi, Natani naSoromoni. Ava vana vakaberekwa naBhatishebha mwanasikana waAmieri.
6Kwaivawo naIbhari, Erishua, Erifereti, 7Noga, Nefegi, Jafia, 8Erishama, Eriadha naErifereti, vose vaiva vapfumbamwe.
9Ava vose vaiva vanakomana vaDhavhidhi, tisingaverengi vanakomana vake vaakaita navarongo vake. Uye Tamari aiva hanzvadzi yavo.
Madzimambo eJudha
10Mwanakomana waSoromoni ainzi Rehobhoamu,
Abhija mwanakomana wake,
Asa mwanakomana wake,
Jehoshafati mwanakomana wake,
11Jehoramu mwanakomana wake,
Ahazia mwanakomana wake,
Joashi mwanakomana wake,
12Amazia mwanakomana wake,
Azaria mwanakomana wake,
Jotamu mwanakomana wake,
13Ahazi mwanakomana wake,
Hezekia mwanakomana wake,
Manase mwanakomana wake,
14Amoni mwanakomana wake,
Josia mwanakomana wake.
15Vanakomana vaJosia vaiva:
Johanani dangwe,
Jehoyakimi wechipiri,
Zedhekia wechitatu
naSharumi wechina.
16Vakatevera Jehoyakimi vaiva:
Jehoyakini mwanakomana wake
naZedhekia.
Veimba yoUmambo shure kwoUtapwa
17Zvizvarwa zvaJehoyakini mutapwa zvaiva:
Shearitieri mwanakomana wake, 18Marikirami, Pedhaya, Shenazari, Jekamia, Hoshama naNedhabhia.
19Vanakomana vaPedhaya vaiva:
Zerubhabheri naShimei.
Vanakomana vaZerubhabheri vaiva:
Meshurami naHanania. Sheromiti aiva hanzvadzi yavo. 20Kwaivawo navamwe vashanu vaiti: Hashubha, Oheri, Bherekia, Hasadhia naJushabhi-Hesedhi.
21Zvizvarwa zvaHanania zvaiva:
Peratia naJeshaya, navanakomana vaRefaya, vaArinani, vaObhadhia nevaShekania.
22Zvizvarwa zvaShekania zvaiva:
Shemaya navanakomana vake vaiti: Hatushi, Igari, Bharia, Nearia naShafati, vatanhatu vose pamwe chete.
23Vanakomana vaNearia vaiva:
Erioenai, Hizikia naAzirikamu, vatatu pamwe chete.
24Vanakomana vaErioenai vaiva:
Hodhavhia, Eriashibhi, Peraya, Akubhi, Johanani, Dheraya naAnani, vanomwe pamwe chete.

Currently Selected:

1 Makoronike 3: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy