YouVersion Logo
Search Icon

1 Makoronike 16

16
1Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari. 2Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha. 3Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma.
4Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri: 5Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira 6uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.
Pisarema raDhavhidhi roKuvonga
7Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:
8Vongai Jehovha, danai kuzita rake;
zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.
9Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;
taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.
10Zvirumbidzei muzita rake dzvene;
mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.
11Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;
tsvakai chiso chake nguva dzose.
12Rangarirai zvishamiso zvaakaita,
zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.
13Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,
haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.
14Ndiye Jehovha Mwari wedu;
mitongo yake iri munyika yose.
15Anorangarira sungano yake nokusingaperi,
shoko raakarayira, kwechiuru chezvizvarwa.
16Sungano yaakaita naAbhurahama,
mhiko yaakapika kuna Isaka.
17Akasimbisa kuna Jakobho somutemo,
kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti:
18“Kwauri ndichapa nyika yeKenani,
sechikamu chenhaka yako.”
19Pavakanga vari vashoma,
vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi,
20vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe,
kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe.
21Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire;
nokuda kwavo akatuka madzimambo.
22“Musabata vazodziwa vangu;
musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
23Imbirai Jehovha, pasi pose;
paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
24Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi,
mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
25Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa;
anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
26Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,
asi Jehovha akasika matenga.
27Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake;
simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.
28Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi,
ipai Jehovha kukudzwa nesimba,
29ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.
Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake;
namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
30Dederai pamberi pake, imi nyika yose!
Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunuswi.
31Matenga ngaafare, nyika ngaifare;
ngavati pakati pendudzi, “Jehovha anotonga!”
32Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri;
minda ngaifarisise nezvose zviri mairi.
33Ipapo miti yesango ichaimba,
ichaimba nomufaro pamberi paJehovha,
nokuti anouya kuzotonga nyika.
34Vongai Jehovha nokuti akanaka;
rudo rwake runogara nokusingaperi.
35Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu;
tiunganidzei uye mutirwire pandudzi,
kuti tigovonga zita renyu dzvene
kuti tifarisise mukukurumbidzai.”
36Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri,
kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.
Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.
37Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe. 38Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa vaiva vatariri vamasuo.
39Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni 40kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri. 41Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.” 42Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo.
43Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake.

Currently Selected:

1 Makoronike 16: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy