YouVersion Logo
Search Icon

1 Makoronike 15

15
Areka inouyiswa kuJerusarema
1Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende. 2Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.”
3Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira.
4Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi:
5kubva kuzvizvarwa zvaKohati,
Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri;
6kubva kuzvizvarwa zvaMerari,
Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri;
7kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni,
Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu;
8kubva kuzvizvarwa zvaErizafani,
Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri;
9kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni,
Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere;
10kubva kuzvizvarwa zvaUzieri,
Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri.
11Ipapo Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiatari vaprista, naUrieri, Asaya, Joere, Shemaya, Erieri naAminadhabhi vaRevhi. 12Akati kwavari, “Imi muri vakuru vemhuri dzavaRevhi, imi navamwe vaRevhi vose munofanira kuzvinatsa kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari weIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira. 13Izvi zvakaitika nokuti imi vaRevhi hamuna kukwira neareka pakutanga paya Jehovha Mwari wedu paakatiratidza kutsamwa kukuru. Hatina kunge tabvunza kwaari kuti tingazviite sei nenzira yakarayirwa.” 14Saka vaprista navaRevhi vakazvinatsa kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsraeri. 15Uye vaRevhi vakatakura areka yaMwari namatanda pamapfudzi avo, sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha.
16Dhavhidhi akataurira vatungamiri vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo kuti vave vaimbi kuti vazonoimba dzimbo dzomufaro nezviridzwa zvaiti: mitengeranwa, mbira, namakandira.
17Saka vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoere; kubva kuhama dzake Asafi mwanakomana waBherekia; uye kubva kuhama dzavo vaMerari, Etani mwanakomana waKushaya; 18uye pamwe chete navo hama dzavo dzaitevera paukuru dzaiti: Zekaria, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri varindi vemikova.
19Vaimbi vaiti Hemani, Asafi naEtani vakagadzwa kuti varidze makandira endarira. 20Zekaria, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Maaseya, naBhenaya vaizoridza mitengeranwa, maererano nearamoti, 21uye Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri, naAzazia vaizoridza mbira maererano neshiminiti. 22Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri.
23Bherekia naErikana ndivo vaizova varindi vemikova weareka. 24Shebhania, Joshafati, Netaneri, Amasai, Zekaria, Bhenaya naErieza vaprista vaizoridza hwamanda pamberi peareka yaMwari. Obhedhi-Edhomu naJehia vaizovawo vatariri vomusuo weareka.
25Dhavhidhi navakuru veIsraeri navakuru vamapoka ane chiuru vakaenda kundotora areka yesungano yaMwari kubva kumba kwaObhedhi-Edhomu, vachifara. 26Nokuti Mwari akanga abatsira vaRevhi avo vainge vatakura areka yesungano yaMwari, vakabayira Mwari hando nomwe namakondobwe manomwe. 27Zvino Dhavhidhi akanga akapfeka nguo yomucheka wakanaka sezvakanga zvakaita vaimbi, naKenania akanga ari mutungamiri wokuimba kuvaimbi. Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi yomucheka. 28Saizvozvo vaIsraeri vose vakakwidza neareka yesungano yaJehovha vachidanidzira, uye vachiridza mimhanzi yenyanga dzamakondobwe nehwamanda namakandira, uye vachiridza mitengeranwa nembira.
29Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye akaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba, akamushora mumwoyo make.

Currently Selected:

1 Makoronike 15: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy