1
Mateo 7:7
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
“Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.
Karşılaştır
Mateo 7:7 keşfedin
2
Mateo 7:8
Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.
Mateo 7:8 keşfedin
3
Mateo 7:24
“Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.
Mateo 7:24 keşfedin
4
Mateo 7:12
Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita.
Mateo 7:12 keşfedin
5
Mateo 7:14
Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.
Mateo 7:14 keşfedin
6
Mateo 7:13
“Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro.
Mateo 7:13 keşfedin
7
Mateo 7:11
Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!
Mateo 7:11 keşfedin
8
Mateo 7:1-2
“Usatonga kuti newewo urege kutongwa. Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.
Mateo 7:1-2 keşfedin
9
Mateo 7:26
Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha.
Mateo 7:26 keşfedin
10
Mateo 7:3-4
“Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako?
Mateo 7:3-4 keşfedin
11
Mateo 7:15-16
“Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza. Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato?
Mateo 7:15-16 keşfedin
12
Mateo 7:17
Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa.
Mateo 7:17 keşfedin
13
Mateo 7:18
Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka.
Mateo 7:18 keşfedin
14
Mateo 7:19
Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto.
Mateo 7:19 keşfedin