Rute 3:1-11
Rute 3:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva Naomi, vamwene vake vakati kwaari, “Mwanasikana wangu, handingaedzi kukuwanira musha here, paungawana zvinokuriritira zvakakwana? Ko, Bhoazi ane vasikana vawanga uchishanda navo haasi hama yedu yapedyo here? Achange ari paburiro achirudza bhari nhasi manheru. Shamba ugozora mafuta anonhuhwira, ugopfeka nguo dzako dzakaisvonaka. Ipapo ugodzika kuburiro, asi usaite kuti azive kuti iwe uripo kusvikira apedza kudya nokunwa. Kana orara, ucherechedze nzvimbo yaanorara. Ipapo ugoenda ufukure tsoka dzake ugorara pasi. Achakuudza zvaunofanira kuita.” Rute akapindura akati, “Ndichaita zvose zvamareva.” Naizvozvo akadzika kuburiro akaita zvose zvaakataurirwa navamwene vake. Bhoazi akati apedza kudya nokunwa uye mwoyo wake wafara, akaenda akandorara kumuchetocheto kwomurwi wezviyo. Rute akaswedera kwaari chinyararire, akafukura tsoka dzake akarara pasi. Pakati pousiku chimwe chinhu chakavhundutsa murume, akashanduka akaona mukadzi akarara kumakumbo kwake. Akamubvunza akati, “Ndiwe aniko?” Iye akati, “Ndini murandakadzi wenyu Rute. Tambanudzai chikamu chenguo yenyu muchiise pamusoro pangu, sezvo muri hama yapedyo nomudzikinuri.” Akapindura akati kwaari, “Jehovha akuropafadze, mwanasikana wangu. Tsitsi idzi dzakakura kupinda zvawakaratidza pakutanga. Hauna kumhanyira majaya, hazvinei kuti varombo kana vapfumi. Naizvozvo zvino, mwanasikana wangu, usatya. Ndichakuitira zvose zvawakakumbira. Varume vose vagere neni muguta vanoziva kuti uri mukadzi akatsiga.
Rute 3:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Naomi, vamwene vake, akati kwaari, “Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvakira zororo, kuti ufare here? Zvino Bhoazi, kwawakanga uri kuvasikana vake, haizi hama yedu here? Tarira iye ucharudza bhari madekwana ano paburiro. Zvino chizvishambidza, uzore mafuta, ufuke nguo dzako, ndokuburukira kuburiro, asi usazviratidza kumurume uyo, kusvikira apedza kudya nokunwa. Zvino kana iye achindovata, iwe unofanira kucherechedza paanondovata, ugoenda wondofukura tsoka dzake, wovatapo pasi; iye achakuudza zvauchafanira kuita.” Akati kwaari, “Zvose zvamunondiudza ndichazviita.” Ipapo akaburukira kuburiro, akandoita zvose zvaakanga arairwa navamwene vake. Zvino Bhoazi wakati apedza kudya nokunwa, mwoyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi. Pakati pousiku murume akavhunduka, akapinduka, onei mukadzi avete patsoka dzake. Akati, “Ndiwe aniko?” Akapindura akati, “Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu nenguo yenyu, nokuti muri hama yomumba.” Ipapo iye akati, “Uropafadzwe naJehovha, mwanasikana wangu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga; nokuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vapfumi. Zvino mwanasikana wangu, usatya hako; ndichakuitira zvose sezvaunotaura; nokuti vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.
Rute 3:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naomi akataurira muroora wake achiti, “Mwanangu ndafunga zvokukutsvakira kuti uitewo imba yako uwanewo pokunyatsogara. Handiti Bhoazi uyu ane varandasikana vawaiva navo; ihama yedu chaiyo. Chiteerera unzwe, usiku hwanhasi achange achiurutsa bhari paburiro riya. Naizvozvo zvishambidze, uzore mafuta, uende kuburiro wakapurira hanzu dzako dzakanakisisa. Asi chenjerera kuti iye arege kuziva kuti uripo kusvikira apedza kudya nokunwa. Kana Bhoazi ondorara, nyatsocherechedza paanenge arara, ugozoendapo womufukura kumakumbo ake, uvatepo iye achakuudza zvokuita.” Rute akapindura achiti, “Ndichaita zvose zvamandiudza.” Saizvozvo Rute akaenda kuburiro kuya akaita zvose zvaakaudzwa navamwene vake. Kuzoti Bhoazi apedza kudya nokunwa akati zvino ofara, akaenda zvake kundorara munyasi memurwi wembesanwa. Rute akauyapo chinyararire, akamufukura kumakumbo ake akavatapo. Pakati pousiku, Bhoazi akapatika, ndokubva atendeuka onei kune mukadzi arere kumakumbo kwake! Akati, “Ndiwe ani?” Iye akati, “Ndini Rute muranda wenyu. Regai zvenyu gumbeze renyu rindifukidzewo nokuti ndimi munofanira kundigara nhaka.” Iye akabva amuti, “Tenzi ngaakukomborere mwanangu, waratidza kutendeseka, nomwoyochena wawazoita rwendo runo unotopfuura wawakaita pakutanga nokuti hauna kuchiva kuroorwa neachiri mukomana, mupfumi kana murombo. Zvino mwanangu, usatye zvako ndichakuitira zvose zvawakumbira nokuti vamwe vangu vose vomuguta rino vanozviziva kuti iwe uri mudzimai ane chiremera.
Rute 3:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Naome, ʋamŋene ʋake, akati kwaari: Mŋanasikana waŋgu, handifaniri kukutȿakira zororo, kuti ufare here? Ɀino Boazi, kwawakaŋga uri kuʋasikana ʋake, haizi hama yeɗu here? Tarira iye ucarudza bari maɗekwanano paɓuriro. Ɀino ciɀishambidza, uzore mafuta, ufuke ŋguʋo dzako, ndokuɓurukira kuɓuriro; asi usaɀiratidza kumurume uyo, kuȿikira apedza kudya nokunwa. Ɀino kana iye acindoʋata, iwe unofanira kucerekedza paanondoʋata, ugoenda ndokufukura tsoka dzake, ndokuʋata’po pasi; iye ucakuʋudza ɀaucafanira kuita. Akati kwaari: Ɀose ɀamunondiʋudza ndicaɀiita. Ipapo akaɓurukira kuɓuriro, akandoita ɀose ɀaakaŋga arairwa naʋamŋene ʋake. Ɀino Boazi wakati apedza kudya nokunwa, mŋoyo wake ukafara, akandoʋata pamuceto womurwi weɀiyo; ipapo iye akanatso‐ȿika, akafukura tsoka dzake, ndokuʋata pasi. Pakati poʋusiku murume akavunduka, akashanduka, ʋonei mukadzi uʋete patsoka dzake. Akati: Ndiwe aniko? Akapindura, akati: Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu neŋguʋo yenyu, nokuti muri hama yomumba. Ipapo iye akati: Uropafadzwe naJehova, mŋanasikana waŋgu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuʋura pakutaŋga; nokuti hauna‐kuteʋera majaya, kunyaŋge aiʋa ʋarombo kana ʋafumi. Ɀino mŋanasikana waŋgu, usatya hako; ndicakuitira ɀose seɀaunotaura; nokuti ʋose ʋeguta raŋgu ʋanoziʋa kuti uri mukadzi wakanaka kwaɀo.
Rute 3:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)