Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 3:1-11

Rute 3:1-11 SNA2002

Zvino Naomi, vamwene vake, akati kwaari, “Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvakira zororo, kuti ufare here? Zvino Bhoazi, kwawakanga uri kuvasikana vake, haizi hama yedu here? Tarira iye ucharudza bhari madekwana ano paburiro. Zvino chizvishambidza, uzore mafuta, ufuke nguo dzako, ndokuburukira kuburiro, asi usazviratidza kumurume uyo, kusvikira apedza kudya nokunwa. Zvino kana iye achindovata, iwe unofanira kucherechedza paanondovata, ugoenda wondofukura tsoka dzake, wovatapo pasi; iye achakuudza zvauchafanira kuita.” Akati kwaari, “Zvose zvamunondiudza ndichazviita.” Ipapo akaburukira kuburiro, akandoita zvose zvaakanga arairwa navamwene vake. Zvino Bhoazi wakati apedza kudya nokunwa, mwoyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi. Pakati pousiku murume akavhunduka, akapinduka, onei mukadzi avete patsoka dzake. Akati, “Ndiwe aniko?” Akapindura akati, “Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu nenguo yenyu, nokuti muri hama yomumba.” Ipapo iye akati, “Uropafadzwe naJehovha, mwanasikana wangu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga; nokuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vapfumi. Zvino mwanasikana wangu, usatya hako; ndichakuitira zvose sezvaunotaura; nokuti vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.

Verenga chikamu Rute 3