Rute 3:1-11
Rute 3:1-11 SUB1949
Ɀino Naome, ʋamŋene ʋake, akati kwaari: Mŋanasikana waŋgu, handifaniri kukutȿakira zororo, kuti ufare here? Ɀino Boazi, kwawakaŋga uri kuʋasikana ʋake, haizi hama yeɗu here? Tarira iye ucarudza bari maɗekwanano paɓuriro. Ɀino ciɀishambidza, uzore mafuta, ufuke ŋguʋo dzako, ndokuɓurukira kuɓuriro; asi usaɀiratidza kumurume uyo, kuȿikira apedza kudya nokunwa. Ɀino kana iye acindoʋata, iwe unofanira kucerekedza paanondoʋata, ugoenda ndokufukura tsoka dzake, ndokuʋata’po pasi; iye ucakuʋudza ɀaucafanira kuita. Akati kwaari: Ɀose ɀamunondiʋudza ndicaɀiita. Ipapo akaɓurukira kuɓuriro, akandoita ɀose ɀaakaŋga arairwa naʋamŋene ʋake. Ɀino Boazi wakati apedza kudya nokunwa, mŋoyo wake ukafara, akandoʋata pamuceto womurwi weɀiyo; ipapo iye akanatso‐ȿika, akafukura tsoka dzake, ndokuʋata pasi. Pakati poʋusiku murume akavunduka, akashanduka, ʋonei mukadzi uʋete patsoka dzake. Akati: Ndiwe aniko? Akapindura, akati: Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu neŋguʋo yenyu, nokuti muri hama yomumba. Ipapo iye akati: Uropafadzwe naJehova, mŋanasikana waŋgu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuʋura pakutaŋga; nokuti hauna‐kuteʋera majaya, kunyaŋge aiʋa ʋarombo kana ʋafumi. Ɀino mŋanasikana waŋgu, usatya hako; ndicakuitira ɀose seɀaunotaura; nokuti ʋose ʋeguta raŋgu ʋanoziʋa kuti uri mukadzi wakanaka kwaɀo.

