Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 3:1-11

Rute 3:1-11 SCLBD

Naomi akataurira muroora wake achiti, “Mwanangu ndafunga zvokukutsvakira kuti uitewo imba yako uwanewo pokunyatsogara. Handiti Bhoazi uyu ane varandasikana vawaiva navo; ihama yedu chaiyo. Chiteerera unzwe, usiku hwanhasi achange achiurutsa bhari paburiro riya. Naizvozvo zvishambidze, uzore mafuta, uende kuburiro wakapurira hanzu dzako dzakanakisisa. Asi chenjerera kuti iye arege kuziva kuti uripo kusvikira apedza kudya nokunwa. Kana Bhoazi ondorara, nyatsocherechedza paanenge arara, ugozoendapo womufukura kumakumbo ake, uvatepo iye achakuudza zvokuita.” Rute akapindura achiti, “Ndichaita zvose zvamandiudza.” Saizvozvo Rute akaenda kuburiro kuya akaita zvose zvaakaudzwa navamwene vake. Kuzoti Bhoazi apedza kudya nokunwa akati zvino ofara, akaenda zvake kundorara munyasi memurwi wembesanwa. Rute akauyapo chinyararire, akamufukura kumakumbo ake akavatapo. Pakati pousiku, Bhoazi akapatika, ndokubva atendeuka onei kune mukadzi arere kumakumbo kwake! Akati, “Ndiwe ani?” Iye akati, “Ndini Rute muranda wenyu. Regai zvenyu gumbeze renyu rindifukidzewo nokuti ndimi munofanira kundigara nhaka.” Iye akabva amuti, “Tenzi ngaakukomborere mwanangu, waratidza kutendeseka, nomwoyochena wawazoita rwendo runo unotopfuura wawakaita pakutanga nokuti hauna kuchiva kuroorwa neachiri mukomana, mupfumi kana murombo. Zvino mwanangu, usatye zvako ndichakuitira zvose zvawakumbira nokuti vamwe vangu vose vomuguta rino vanozviziva kuti iwe uri mudzimai ane chiremera.

Verenga chikamu Rute 3