Mapisarema 136:1-9
Mapisarema 136:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vongai Jehovha, nokuti akanaka: Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. Vongai Mwari wavamwari: Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. Vongai Ishe wamadzishe: Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. iye oga anoita zvishamiso zvikuru, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. iye akaita matenga nokunzwisisa kwake, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura zhinji, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. iye akaita zviedza zvikuru, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. zuva kuti ribate ushe masikati, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. mwedzi nenyeredzi kuti zvibate ushe usiku; Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

Mapisarema 136:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vongai Mwari wavamwari; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vongai Ishe wamadzishe; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye, akaita kudenga-denga nenjere dzake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye akatatanura pasi pamusoro pemvura zhinji; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye akaita zviedza zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Zuva, kuti ribate ushe masikati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Mwedzi nenyeredzi, kuti zvibate ushe usiku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Mapisarema 136:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tendai TENZI nokuti wakanaka mwoyochena wake hauperi. Tendai Mwari wavamwari mwoyochena wake hauperi. Tendai TENZI wavatenzi mwoyochena wake hauperi. Iye oga anoita zvishamiso zvikuru mwoyochena wake hauperi. Iye akasika matenga nokunzwisisa kwake mwoyochena wake hauperi. Iye akawarira nyika pamvura mwoyochena wake hauperi. Iye akasika mazivheneko makuru mwoyochena wake hauperi. Zuva kuti ritonge masikati, mwoyochena wake hauperi. Mwedzi nenyenyedzi kuti zvitonge usiku mwoyochena wake hauperi.
Mapisarema 136:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ʋoŋgai Mŋari waʋamŋari; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ʋoŋgai Ishe wamadzishe; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Iye oga, unoita ɀishamiso ɀikuru; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Iye, wakaita kuɗeŋga‐ɗeŋga nenjere dzake; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Iye wakatatanura pasi pamsoro pemvura zhinji; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Iye wakaita ɀiedza ɀikuru; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Zuʋa, kuti riɓate ʋushe masikati; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Mŋedzi nenyeredzi, kuti ɀiɓate ʋushe ʋusiku; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.
Mapisarema 136:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)