Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vongai Mwari wavamwari; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vongai Ishe wamadzishe; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye, akaita kudenga-denga nenjere dzake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye akatatanura pasi pamusoro pemvura zhinji; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye akaita zviedza zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Zuva, kuti ribate ushe masikati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Mwedzi nenyeredzi, kuti zvibate ushe usiku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Verenga chikamu Mapisarema 136
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 136:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo