Tendai TENZI nokuti wakanaka mwoyochena wake hauperi. Tendai Mwari wavamwari mwoyochena wake hauperi. Tendai TENZI wavatenzi mwoyochena wake hauperi. Iye oga anoita zvishamiso zvikuru mwoyochena wake hauperi. Iye akasika matenga nokunzwisisa kwake mwoyochena wake hauperi. Iye akawarira nyika pamvura mwoyochena wake hauperi. Iye akasika mazivheneko makuru mwoyochena wake hauperi. Zuva kuti ritonge masikati, mwoyochena wake hauperi. Mwedzi nenyenyedzi kuti zvitonge usiku mwoyochena wake hauperi.
Verenga chikamu Nziyo 136
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 136:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo