Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 136:1-9

Nziyo 136:1-9 SCLB

Tendai TENZI nokuti wakanaka mwoyochena wake hauperi. Tendai Mwari wavamwari mwoyochena wake hauperi. Tendai TENZI wavatenzi mwoyochena wake hauperi. Iye oga anoita zvishamiso zvikuru mwoyochena wake hauperi. Iye akasika matenga nokunzwisisa kwake mwoyochena wake hauperi. Iye akawarira nyika pamvura mwoyochena wake hauperi. Iye akasika mazivheneko makuru mwoyochena wake hauperi. Zuva kuti ritonge masikati, mwoyochena wake hauperi. Mwedzi nenyenyedzi kuti zvitonge usiku mwoyochena wake hauperi.

Verenga chikamu Nziyo 136