Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ʋoŋgai Mŋari waʋamŋari; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ʋoŋgai Ishe wamadzishe; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Iye oga, unoita ɀishamiso ɀikuru; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Iye, wakaita kuɗeŋga‐ɗeŋga nenjere dzake; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Iye wakatatanura pasi pamsoro pemvura zhinji; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Iye wakaita ɀiedza ɀikuru; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Zuʋa, kuti riɓate ʋushe masikati; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Mŋedzi nenyeredzi, kuti ɀiɓate ʋushe ʋusiku; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.
Verenga chikamu Mapisarema 136
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 136:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo