Mapisarema 107:1-9
Mapisarema 107:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi, avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi. Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta kwavangagara. Vakava nenzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo. Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira, nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.
Mapisarema 107:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Vakadzikinurwa vaJehovha ngavadaro, Ivo vaakadzikinura muruoko rwomudzivisi; Akavaunganidza panyika dzose, Kumabvazuva nokumavirira, Kumusoro nezasi. Vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga; Havana kuwana muguta mavangagara. Vakafa nenzara neyota, Mweya wavo ukaziya mukati mavo. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo. Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
Mapisarema 107:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tendai TENZI nokuti akanaka mwoyochena wake hauperi. Vakanunurwa naTENZI ngavadaro, vaakanunura munhamo, vaakakokorodza kubva kudzinyika, kubva kumabvazuva nokumadokero, kuchamhembe nokumaodzanyemba. Vamwe vakadzungaira murenje vachishaya nzira yokuenda nayo kuguta rokundogara. Vakaita nzara nenyota vakarasa mwoyo. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavatungamirira munzira yakati tasa vakasvika muguta rokugara. Ngavatende TENZI nokuda kwomwoyochena wake uye nokuda kwezviito zvake kuvanhu zvinoshamisa nokuti anogondwesa ane nyota uye ane nzara anomugutsa nezvinhu zvakanaka.
Mapisarema 107:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ʋakadzikinurwa ʋaJehova ŋgaʋaɗaro, Iʋo ʋaakadzikinura muruʋoko rwomudziʋisi; Akaʋaʋuŋganidza panyika dzose, Kumabvazuʋa nokumaʋirira, Kumsoro nezasi. Ʋakafamba‐famba murenje munzira yomuciwunde; Haʋana‐kuwana guta maʋaŋgagara. Ʋakafa nenzara nenyota, Mŋeya waʋo ukaziya mukati maʋo. Ipapo ʋakacema kunaJehova pakutambudzika kwaʋo, Iye akaʋarwira panjodzi dzaʋo. Wakaʋafambisa ʋo nenzira yakarurama, Kuti ʋaȿike kuguta rokugara. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Nokuti unogutisa mŋeya, unenyota, Ʋuye mŋeya, unenzara, unouzadza neɀakanaka.
Mapisarema 107:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)