Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi, avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi. Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta kwavangagara. Vakava nenzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo. Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira, nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.
Verenga chikamu Mapisarema 107
Terera ku Mapisarema 107
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 107:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo