“Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Vakadzikinurwa vaJehovha ngavadaro, Ivo vaakadzikinura muruoko rwomudzivisi; Akavaunganidza panyika dzose, Kumabvazuva nokumavirira, Kumusoro nezasi. Vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga; Havana kuwana muguta mavangagara. Vakafa nenzara neyota, Mweya wavo ukaziya mukati mavo. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo. Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
Verenga chikamu Mapisarema 107
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 107:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo