Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:1-9

Mapisarema 107:1-9 SUB1949

Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ʋakadzikinurwa ʋaJehova ŋgaʋaɗaro, Iʋo ʋaakadzikinura muruʋoko rwomudziʋisi; Akaʋaʋuŋganidza panyika dzose, Kumabvazuʋa nokumaʋirira, Kumsoro nezasi. Ʋakafamba‐famba murenje munzira yomuciwunde; Haʋana‐kuwana guta maʋaŋgagara. Ʋakafa nenzara nenyota, Mŋeya waʋo ukaziya mukati maʋo. Ipapo ʋakacema kunaJehova pakutambudzika kwaʋo, Iye akaʋarwira panjodzi dzaʋo. Wakaʋafambisa ʋo nenzira yakarurama, Kuti ʋaȿike kuguta rokugara. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Nokuti unogutisa mŋeya, unenyota, Ʋuye mŋeya, unenzara, unouzadza neɀakanaka.