Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ʋakadzikinurwa ʋaJehova ŋgaʋaɗaro, Iʋo ʋaakadzikinura muruʋoko rwomudziʋisi; Akaʋaʋuŋganidza panyika dzose, Kumabvazuʋa nokumaʋirira, Kumsoro nezasi. Ʋakafamba‐famba murenje munzira yomuciwunde; Haʋana‐kuwana guta maʋaŋgagara. Ʋakafa nenzara nenyota, Mŋeya waʋo ukaziya mukati maʋo. Ipapo ʋakacema kunaJehova pakutambudzika kwaʋo, Iye akaʋarwira panjodzi dzaʋo. Wakaʋafambisa ʋo nenzira yakarurama, Kuti ʋaȿike kuguta rokugara. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Nokuti unogutisa mŋeya, unenyota, Ʋuye mŋeya, unenzara, unouzadza neɀakanaka.
Verenga chikamu Mapisarema 107
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 107:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo