Ruka 8:26-34
Ruka 8:26-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakasvika kunyika yavaGerase, iri mhiri kwegungwa reGarirea. Jesu akati ayambuka gungwa, akasangana nomurume akanga akabatwa nedhimoni achibva muguta. Murume uyu akanga asingapfeki nguo kwenguva refu kana kugara mumba, asi aigara kumakuva. Akati aona Jesu, akadanidzira akawira pamakumbo ake, akati nenzwi guru, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, regai kunditambudza!” Nokuti Jesu akanga arayira mweya wakaipa kuti ubude maari. Kazhinji waimubata, uye kunyange akange akasungwa nengetani mumaoko nomumakumbo uye akarindwa, aidambura ngetani obva aendeswa nedhimoni kurenje. Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Regioni,” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari. Uye akaramba achimunyengetedza kuti arege kuarayira kuti aende kugomba rakadzika. Pakanga pane boka guru renguruve raifura mujinga mechikomo. Madhimoni akakumbirisa Jesu kuti aabvumire kupinda madziri, akaatendera. Madhimoni akati abuda mumunhu uyo akandopinda munguruve, uye boka renguruve rakamhanyira kumawere kugungwa rikanyuramo. Vaifudza nguruve vakati vaona zvakanga zvaitika, vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomuruwa
Ruka 8:26-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakasvika kunyika yavaGerasa, yakatarisana neGariria. Akati achibuda muigwa panyika, mumwe murume weguta akasangana naye, akanga ane mweya yakaipa; nguva huru akanga asina kupfeka nguo, asingagari mumba, asi mumarinda. Zvino iye akati achiona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nezwi guru, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro-soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.” Nokuti akarayira mweya wahan'ora kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji akanga abatwa nawo; akasungwa nezvisungo nengetani akarindiwa; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa. Jesu akamubvunza, achiti, “Zita rako ndianiko?” Akati, “Regioni.” Nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari. Ikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kuyiraira kuti iende kwakadzika-dzika. Zvino kwakanga kuripo boka guru renguruve zhinji, raifura mugomo; ikakumbira zvikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera. Mweya yakaipa ikabuda kumunhu, ikapinda munguruve; ipapo boka rakamhanyira kumawere kugungwa, rikagaramo. Vaidzifudza vakati vaona zvaitwa, vakatiza, vakandoudza izvozvo muguta naparuwa.
Ruka 8:26-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakazosvika kunyika yavaGerasini yakatarisana neGarirea. Paakangoti achiti budei mugwa akasangana nomunhu aibva muguta iroro aiva nomweya wakaipa. Kwenguva ndefu akanga asingapfeki hanzu. Akanga asingagari mumba asi aigara kumakuva. Paakaona Jesu akazhamba akawira pasi pamberi pake ndokudaidzira achiti, “Unei neni Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirisa zvangu kuti usandirwadzise.” Chikonzero ndechokuti Jesu akanga ati mweya wetsvina ubude mumunhu iyeyo nokuti kazhinji mweya wakaipa waimugara. Aigara akatochengetedzwa akasungwa nengetani namajoti asi aidambura zvisungo izvozvo achitinhirwa kurenje nomweya wakaipa. Ipapo Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akati, “Ndinonzi Hondo” nokuti mweya yakaipa yakawanda yakanga yapinda maari. Yakamuteterera kuti asaiendese kugomba rakadzikisisa. Zvino ipapo paiva nedanga renguruve dzakawanda dzaifura zvadzo mujinga megomo. Yakamukumbira kuti ipinde madziri. Akaibvumidza. Mweya yakaipa yakabuda mumunhu uya ikapinda munguruve dziya. Danga riya rakati ware roteremuka napamawere marefu ndiye rove rove mugungwa kunyura. Vafudzi pavakaona zvakanga zvaitika, ndokuti warewo kutiza; vakandotaura muguta nomumaruwa zvakanga zvaitika.
Ruka 8:26-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakaȿika kunyika yaʋaGerasa, yakatarisana neGarirea. Wakati aciɓuɗa mugwa panyika, mumŋe murume weguta akasoŋgana naye, wakaŋga anemŋeya yakaipa; ŋguʋa huru wakaŋga asina‐kupfeka ŋguʋo, asiŋgagari mumba, asi mumarinda. Ɀino iye wakati aciʋona Jesu, akaɗanidzira, ndokuɀiwisira pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mŋanakomana woWokumsoro‐soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza. Nokuti wakaraira mŋeya wetȿina kuti uɓuɗe kumunhu. Nokuti kazhinji wakaŋga waɓatwa nawo; akasuŋgwa neɀisuŋgo namaketani akarindiwa; akaɗambura ɀisuŋgo, akadziŋgirwa kumarenje nomŋeya wakaipa. Jesu akamubvunza, aciti: Zita rako ndianiko? Akati: Regioni. Nokuti mŋeya yakaipa mizhinji yakaŋga yapinda maari. Ikakumbira ɀikuru kwaari, kuti arege kuiraira kuti iende kwakadzika‐dzika. Ɀino kwakaŋga kuri’po ɓoka guru reŋguruʋe zhinji, raifura mugomo; ikakumbira ɀikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera. Mŋeya yakaipa ikaɓuɗa kumunhu, ikapinda muŋguruʋe; ipapo ɓoka rakamhanyira kumawere kuguŋgwa, rikaɓitirirwa. Ʋaidzifudza ʋakati ʋaʋona ɀaitwa, ʋakatiza, ʋakandoʋudza iɀoɀo muguta naparuwa.
Ruka 8:26-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)