Ruka 8:26-34
Ruka 8:26-34 SNA2002
Zvino vakasvika kunyika yavaGerasa, yakatarisana neGariria. Akati achibuda muigwa panyika, mumwe murume weguta akasangana naye, akanga ane mweya yakaipa; nguva huru akanga asina kupfeka nguo, asingagari mumba, asi mumarinda. Zvino iye akati achiona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nezwi guru, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro-soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.” Nokuti akarayira mweya wahan'ora kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji akanga abatwa nawo; akasungwa nezvisungo nengetani akarindiwa; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa. Jesu akamubvunza, achiti, “Zita rako ndianiko?” Akati, “Regioni.” Nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari. Ikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kuyiraira kuti iende kwakadzika-dzika. Zvino kwakanga kuripo boka guru renguruve zhinji, raifura mugomo; ikakumbira zvikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera. Mweya yakaipa ikabuda kumunhu, ikapinda munguruve; ipapo boka rakamhanyira kumawere kugungwa, rikagaramo. Vaidzifudza vakati vaona zvaitwa, vakatiza, vakandoudza izvozvo muguta naparuwa.

