Ruka 8:26-34
Ruka 8:26-34 SCLB
Vakazosvika kunyika yavaGerasini yakatarisana neGarirea. Paakangoti achiti budei mugwa akasangana nomunhu aibva muguta iroro aiva nomweya wakaipa. Kwenguva ndefu akanga asingapfeki hanzu. Akanga asingagari mumba asi aigara kumakuva. Paakaona Jesu akazhamba akawira pasi pamberi pake ndokudaidzira achiti, “Unei neni Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirisa zvangu kuti usandirwadzise.” Chikonzero ndechokuti Jesu akanga ati mweya wetsvina ubude mumunhu iyeyo nokuti kazhinji mweya wakaipa waimugara. Aigara akatochengetedzwa akasungwa nengetani namajoti asi aidambura zvisungo izvozvo achitinhirwa kurenje nomweya wakaipa. Ipapo Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akati, “Ndinonzi Hondo” nokuti mweya yakaipa yakawanda yakanga yapinda maari. Yakamuteterera kuti asaiendese kugomba rakadzikisisa. Zvino ipapo paiva nedanga renguruve dzakawanda dzaifura zvadzo mujinga megomo. Yakamukumbira kuti ipinde madziri. Akaibvumidza. Mweya yakaipa yakabuda mumunhu uya ikapinda munguruve dziya. Danga riya rakati ware roteremuka napamawere marefu ndiye rove rove mugungwa kunyura. Vafudzi pavakaona zvakanga zvaitika, ndokuti warewo kutiza; vakandotaura muguta nomumaruwa zvakanga zvaitika.

