Ruka 8:26-34
Ruka 8:26-34 SUB1949
Ɀino ʋakaȿika kunyika yaʋaGerasa, yakatarisana neGarirea. Wakati aciɓuɗa mugwa panyika, mumŋe murume weguta akasoŋgana naye, wakaŋga anemŋeya yakaipa; ŋguʋa huru wakaŋga asina‐kupfeka ŋguʋo, asiŋgagari mumba, asi mumarinda. Ɀino iye wakati aciʋona Jesu, akaɗanidzira, ndokuɀiwisira pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mŋanakomana woWokumsoro‐soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza. Nokuti wakaraira mŋeya wetȿina kuti uɓuɗe kumunhu. Nokuti kazhinji wakaŋga waɓatwa nawo; akasuŋgwa neɀisuŋgo namaketani akarindiwa; akaɗambura ɀisuŋgo, akadziŋgirwa kumarenje nomŋeya wakaipa. Jesu akamubvunza, aciti: Zita rako ndianiko? Akati: Regioni. Nokuti mŋeya yakaipa mizhinji yakaŋga yapinda maari. Ikakumbira ɀikuru kwaari, kuti arege kuiraira kuti iende kwakadzika‐dzika. Ɀino kwakaŋga kuri’po ɓoka guru reŋguruʋe zhinji, raifura mugomo; ikakumbira ɀikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera. Mŋeya yakaipa ikaɓuɗa kumunhu, ikapinda muŋguruʋe; ipapo ɓoka rakamhanyira kumawere kuguŋgwa, rikaɓitirirwa. Ʋaidzifudza ʋakati ʋaʋona ɀaitwa, ʋakatiza, ʋakandoʋudza iɀoɀo muguta naparuwa.

