Joere 1:1-12
Joere 1:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri. Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakamboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu? Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, vana vavowo vaudze chizvarwa chinotevera. Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta zvakadyiwa negwatagwata; zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu. Mukai imi zvidhakwa, chemai! Ungudzai imi vanwi vewaini; ungudzai nokuda kwewaini itsva, nokuti yabvutwa pamiromo yenyu. Rudzi rwarwisa nyika yangu, rune simba uye haruverengeki; rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi. Rwakaparadza mizambiringa yangu yose, rukaparadza mionde yangu yose. Rwakasvuura makwati ose emiti, rukaarasira kure, ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e. Chemai semhandara yakapfeka masaga inochema murume wouduku hwayo. Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa hazvichawanikwi muimba yaJehovha. Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha. Minda yaparadzwa, pasi paoma; zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapera, mafuta hakuchina. Pererwai nezano, imi varimi, ungudzai, imi varimi vemizambiringa, chemerai gorosi nebhari, nokuti mukohwo weminda waparadzwa. Muzambiringa waoma, uye muonde wasvava; mutamba, muchindwi nomuti womuapuro, miti yose yesango, yaoma. Zvirokwazvo, mufaro wavanhu wasvava.
Joere 1:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko raJehovha, rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri. “Inzwai chinhu ichi, imi vatana, murereke nzeve dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko zvakadai zvakamboitwa pamazuva enyu, kana pamazuva amadzibaba enyu here? Udzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudzewo vana vavo, navana vavo vaudze rumwe rudzi runotevera. Zvakasiyiwa nomuteteni, zvakadyiwa nemhashu; zvakasiyiwa nemhashu, zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiyiwa negwatakwata, zvakadyiwa nomupedzachose. Mukai, imi vakabatwa nedoro, mucheme; ungudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu. Nokuti rumwe rudzi rwasvika panyika yangu, rwakasimba, rusingaverengwi; meno arwo meno eshumba, runa meno makuru eshumbakadzi. Rwakaparadza muzambiringa wangu, nokuvhuna muonde wangu; rwakausvuura kwazvo, nokuuwisira pasi; matavi awo acheneswa. Chemai semhandara yakazvisunga chiuno namasaga nokuda kwomurume woumhandara hwayo. Chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvabviswa paimba yaJehovha; vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, vanochema. Munda waparadzwa, nyika inochema; nokuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera. Nyarai imi varimi, ungudzai imi varimi vemizambiringa, nokuda kwezviyo nebhari; nokuti zvakaberekwa neminda zvaparadzwa. Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera.
Joere 1:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raTENZI iri rakauya kuna Joeri mwanakomana waPetueri richiti; Inzwai munzwe izvi, imi vechikuru chikuru, rerekerai nzeve mose, imi vagari venyika iyi! Ko zvakadai izvi zvakamboitikawo here mumazuva enyu, kana mumazuva amadzibaba enyu? Zvirondedzerei kuvana venyu, vana venyu vaudzewo vana vavo, vataurirewo chimwewo chizvarwa, kuti zvakasiiwa nomuteteni, vana vemhashu, zvadyiwawo nehwiza dzegwatakwata; uye zvakasiyiwamo zvasiyiwawo nemhashu dzegute, zvadyiwawo nehwiza dzegwatakwata; uye zvakasiyiwa nehwiza dzegwatakwata zvadyiwa nemhashu dzinorozva. Pepukai imi zvidhakwa muhwihwidze kuchema muridze mhere imi mose vanwi vewaini pamusana pewaini itsva nokuti maibvutirwa iri pamuromo. Nokuti kwaita rudzi rwavanhu vauya kuzorwisa nyika yangu, rudzi rune simba rusingaverengeki. Mazino arwo, mazino eshumba chaiwo, mbangura dzamazino arwo anenge mazino eshumba hadzi. Rwaparadza migirepisi yangu rukatsemura-tsemura mikuyu yangu. Rwakayikwatura ganda rayo rukarikanda pasi, matavi ayo akati ngwerewere kuchena. Ungudzai semhandara yakapfeka masaga iri kuchema chikomba chayo chousikana. Zvomupiro wembesanwa nomupiro wokuteura, pamba yaTENZI zvamiswa, vapristi vari kuchema, ivo vashandiri vaTENZI. Minda yaparara, ivhu riri kuchema nokuti mbesanwa dzaparadzwa. Waini yavakupera mafuta eorivhi avakupwa. Ngazvikudumbirei imi varimi veminda. Ridzai mhere vachengeti vemigirepisi, chemai koroni nebhari nokuti zvokukohwa mumunda zvaparara. Mugirepisi wasvava, muonde warezuka. Mupomegiraneti nomurara nomuapuru nemiti yesango yose zvayo yauna. Rufaro muvanhu rwapera.
Joere 1:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko raJehova, rakaȿika kunaJoere mŋanakomana waPetueri. Inzwai cinhu ici, imi ʋatana, murereke nzeʋe dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko ɀakaɗai ɀakamboitwa pamazuʋa enyu, kana pamazuʋa amadziɓaɓa enyu here? Ʋudzai ʋana ʋenyu iɀoɀo, ʋana ʋenyu ʋaʋudze ʋo ʋana ʋaʋo, naʋana ʋaʋo ʋaʋudze rumŋe rudzi runoteʋera. Ɀakasiyiwa nomuteteni, ɀakadyiwa nemhashu; ɀakasiyiwa nemhashu, ɀakadyiwa negwatakwata; ɀakasiyiwa negwatakwata, ɀakadyiwa nomupedzacose. Mukai, imi ʋakaɓatwa neɗoro, muceme; wuŋgudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu. Nokuti rumŋe rudzi rwaȿika panyika yaŋgu, rwakasimba, rusiŋgaʋereŋgwi; meno arwo meno eshumba, runameno makuru eshumbakadzi. Rwakaparadza muzambiriŋga waŋgu, nokuvuna muʋonde waŋgu; rwakauȿuʋura kwaɀo, nokuuwisira pasi; mataʋi awo aceneswa. Cemai semhandara yakaɀisuŋga ciʋuno namasaga nokuɗa kwomurume woʋumhandara bgayo. Cipiriso coʋupfu necipiriso cinonwiwa ɀabviswa paimba yaJehova; ʋaprista, iʋo ʋashumiri ʋaJehova, ʋanocema. Munda waparadzwa, nyika inocema; nokuti ɀiyo ɀaparadzwa, waini itȿa yapxa, mafuta apera. Nyarai imi ʋarimi, wuŋgudzai imi ʋarimi ʋemizambiriŋga, nokuɗa kweɀiyo nebari; nokuti ɀakaɓerekwa neminda ɀaparadzwa. Muzambiriŋga waȿaʋa, muʋonde unoshaiwa simba; mutamba nomucindwe ʋo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yawoma; mufaro waʋanakomana ʋaʋanhu wapera.
Joere 1:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)