Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joere 1:1-12

Joere 1:1-12 SUB1949

Shoko raJehova, rakaȿika kunaJoere mŋanakomana waPetueri. Inzwai cinhu ici, imi ʋatana, murereke nzeʋe dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko ɀakaɗai ɀakamboitwa pamazuʋa enyu, kana pamazuʋa amadziɓaɓa enyu here? Ʋudzai ʋana ʋenyu iɀoɀo, ʋana ʋenyu ʋaʋudze ʋo ʋana ʋaʋo, naʋana ʋaʋo ʋaʋudze rumŋe rudzi runoteʋera. Ɀakasiyiwa nomuteteni, ɀakadyiwa nemhashu; ɀakasiyiwa nemhashu, ɀakadyiwa negwatakwata; ɀakasiyiwa negwatakwata, ɀakadyiwa nomupedzacose. Mukai, imi ʋakaɓatwa neɗoro, muceme; wuŋgudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu. Nokuti rumŋe rudzi rwaȿika panyika yaŋgu, rwakasimba, rusiŋgaʋereŋgwi; meno arwo meno eshumba, runameno makuru eshumbakadzi. Rwakaparadza muzambiriŋga waŋgu, nokuvuna muʋonde waŋgu; rwakauȿuʋura kwaɀo, nokuuwisira pasi; mataʋi awo aceneswa. Cemai semhandara yakaɀisuŋga ciʋuno namasaga nokuɗa kwomurume woʋumhandara bgayo. Cipiriso coʋupfu necipiriso cinonwiwa ɀabviswa paimba yaJehova; ʋaprista, iʋo ʋashumiri ʋaJehova, ʋanocema. Munda waparadzwa, nyika inocema; nokuti ɀiyo ɀaparadzwa, waini itȿa yapxa, mafuta apera. Nyarai imi ʋarimi, wuŋgudzai imi ʋarimi ʋemizambiriŋga, nokuɗa kweɀiyo nebari; nokuti ɀakaɓerekwa neminda ɀaparadzwa. Muzambiriŋga waȿaʋa, muʋonde unoshaiwa simba; mutamba nomucindwe ʋo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yawoma; mufaro waʋanakomana ʋaʋanhu wapera.

Verenga chikamu Joere 1