Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joeri 1:1-12

Joeri 1:1-12 SCLB

Shoko raTENZI iri rakauya kuna Joeri mwanakomana waPetueri richiti; Inzwai munzwe izvi, imi vechikuru chikuru, rerekerai nzeve mose, imi vagari venyika iyi! Ko zvakadai izvi zvakamboitikawo here mumazuva enyu, kana mumazuva amadzibaba enyu? Zvirondedzerei kuvana venyu, vana venyu vaudzewo vana vavo, vataurirewo chimwewo chizvarwa, kuti zvakasiiwa nomuteteni, vana vemhashu, zvadyiwawo nehwiza dzegwatakwata; uye zvakasiyiwamo zvasiyiwawo nemhashu dzegute, zvadyiwawo nehwiza dzegwatakwata; uye zvakasiyiwa nehwiza dzegwatakwata zvadyiwa nemhashu dzinorozva. Pepukai imi zvidhakwa muhwihwidze kuchema muridze mhere imi mose vanwi vewaini pamusana pewaini itsva nokuti maibvutirwa iri pamuromo. Nokuti kwaita rudzi rwavanhu vauya kuzorwisa nyika yangu, rudzi rune simba rusingaverengeki. Mazino arwo, mazino eshumba chaiwo, mbangura dzamazino arwo anenge mazino eshumba hadzi. Rwaparadza migirepisi yangu rukatsemura-tsemura mikuyu yangu. Rwakayikwatura ganda rayo rukarikanda pasi, matavi ayo akati ngwerewere kuchena. Ungudzai semhandara yakapfeka masaga iri kuchema chikomba chayo chousikana. Zvomupiro wembesanwa nomupiro wokuteura, pamba yaTENZI zvamiswa, vapristi vari kuchema, ivo vashandiri vaTENZI. Minda yaparara, ivhu riri kuchema nokuti mbesanwa dzaparadzwa. Waini yavakupera mafuta eorivhi avakupwa. Ngazvikudumbirei imi varimi veminda. Ridzai mhere vachengeti vemigirepisi, chemai koroni nebhari nokuti zvokukohwa mumunda zvaparara. Mugirepisi wasvava, muonde warezuka. Mupomegiraneti nomurara nomuapuru nemiti yesango yose zvayo yauna. Rufaro muvanhu rwapera.

Verenga chikamu Joeri 1