Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joere 1:1-12

Joere 1:1-12 SNA2002

Shoko raJehovha, rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri. “Inzwai chinhu ichi, imi vatana, murereke nzeve dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko zvakadai zvakamboitwa pamazuva enyu, kana pamazuva amadzibaba enyu here? Udzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudzewo vana vavo, navana vavo vaudze rumwe rudzi runotevera. Zvakasiyiwa nomuteteni, zvakadyiwa nemhashu; zvakasiyiwa nemhashu, zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiyiwa negwatakwata, zvakadyiwa nomupedzachose. Mukai, imi vakabatwa nedoro, mucheme; ungudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu. Nokuti rumwe rudzi rwasvika panyika yangu, rwakasimba, rusingaverengwi; meno arwo meno eshumba, runa meno makuru eshumbakadzi. Rwakaparadza muzambiringa wangu, nokuvhuna muonde wangu; rwakausvuura kwazvo, nokuuwisira pasi; matavi awo acheneswa. Chemai semhandara yakazvisunga chiuno namasaga nokuda kwomurume woumhandara hwayo. Chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvabviswa paimba yaJehovha; vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, vanochema. Munda waparadzwa, nyika inochema; nokuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera. Nyarai imi varimi, ungudzai imi varimi vemizambiringa, nokuda kwezviyo nebhari; nokuti zvakaberekwa neminda zvaparadzwa. Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera.

Verenga chikamu Joere 1