Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 4:4-16

Vatongi 4:4-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Dhibhora, muprofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, akanga achitungamirira vaIsraeri panguva iyoyo. Aitonga mhaka ari pasi poMuchindwe waDhibhora pakati peRama neBheteri munyika yezvikomo yaEfuremu, uye vaIsraeri vaiuya kwaari kuzotongerwa mhosva dzavo. Akatuma shoko kuna Bharaki mwanakomana waAbhinoami aibva kuKadheshi muNafutari akati kwaari, “Jehovha, Mwari waIsraeri anokurayira kuti, ‘Enda undotora zviuru gumi zvavarume veNafutari neveZebhuruni ugovatungamirira kuGomo reTabhori. Ndichakwezva Sisera, mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake uye namauto ake kuRwizi rweKishoni ndigomuisa mumaoko ako.’ ” Bharaki akati kwaari, “Kana imi mukaenda neni, ini ndichaenda; asi kana musingaendi neni, neni handingaendi.” Dhibhora akati, “Zvakanaka hazvo, ndichaenda newe. Asi nokuda kwenzira yauri kuda kuita nayo izvi, kukudzwa hakungavi kwako, nokuti Jehovha achaisa Sisera muruoko rwomukadzi.” Saka Dhibhora akaenda naBharaki kuKadheshi, uko kwaakandodana Zebhuruni naNafutari. Varume zviuru gumi vakamutevera, naDhibhorawo akaenda navo. Zvino Hebheri muKeni akanga asiya vamwe vaKeni, zvizvarwa zvaHobhabhi, hanzvadzi yomukadzi waMozisi akandodzika tende rake pamuti mukuru muZaananimi pedyo neKadheshi. Vakati vaudza Sisera kuti Bharaki mwanakomana waAbhinoami akanga akwidza kuGomo reTabhori, Sisera akaunganidza pamwe chete ngoro dzesimbi mazana mapfumbamwe navarume vose vaaiva navo, kubva kuHarosheti Hagoyimi kusvikira kuRwizi rweKishoni. Ipapo Dhibhora akati kuna Bharaki, “Enda! Iri ndiro zuva rapiwa Sisera mumaoko ako naJehovha. Ko, Jehovha haasi mberi kwako here?” Saka Bharaki akaburuka muGomo reTabhori, achiteverwa navarume zviuru gumi. Pakungofamba kwaBharaki, Jehovha akakunda nomunondo Sisera nengoro dzake dzose nehondo yake, uye Sisera akasiya ngoro yake akatiza netsoka. Asi Bharati akatevera ngoro nehondo yaSisera akandosvika kuHarosheti Hagoyimi. Mauto ose aSisera akaurayiwa nomunondo; hapana munhu akasara.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 4

Vatongi 4:4-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nenguva iyo Dhebhora, muporofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, wakanga achitonga vaIsiraeri. Iye waigara pasi pomuchindwe waDhebhora, pakati peRama neBheti-eri, panyika yamakomo yaEfuremu; vana vaIsiraeri vaisienda kwaari kuzotongerwa mhaka dzavo. Iye akatuma nhume kundodana Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, paKedheshi-nafutari, akati kwaari, “Jehovha Mwari wavaIsiraeri haana kukuraira here, achiti, ‘Enda uswedere kugomo reTabhori, uende navarume vane zviuru zvine gumi vavana vaNafutari navana vaZebhuruni? Neni ndichatumira kwauri kurukova Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake navanhu vake vazhinji, ndivaise muruoko rwako.’ ” Bharaki akati kwaari, “Kana imi mukaenda neni, ini ndichaenda, asi kana imi musingaendi neni, ini handingaendi.” Iye akati, “Zvirokwazvo ndichaenda newe, asi iwe haungakudzwi parwendo urwu rwaunofamba, nokuti Jehovha uchatengesa Sisera muruoko rwomukadzi.” Dhebhora akasimuka, akaenda Kedheshi naBharaki. Bharaki akakoka Zebhuruni naNafutari paKedheshi, akakwira ana varume vane zviuru zvine gumi vakanga vachimutevera; naDhebhora wakaendawo naye. Zvino Hebheri muKeni, wakanga aparadzana navaKeni, ivo vana vaHobhabhi, mukarahwa waMosesi, akadzika tende rake kusvikira pamuouki paZaananimu, paKedheshi. Zvino vakaudza Sisera kuti Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, wakwira mugomo reTabhori. Sisera akaunganidza ngoro dzake dzose, idzo ngoro dzamatare, dzina mazana mapfumbamwe, navanhu vose vaakanga anavo, kubva paHarosheti ravahedheni kusvikira parukova Kishoni. Zvino Dhebhora akati kuna Bharaki, “Simuka, nokuti iri ndiro zuva raJehovha, raachaisa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kukutungamirira here?” Ipapo Bharaki akaburuka pagomo reTabhori, varume vane zviuru zvine gumi vachimutevera. Zvino Jehovha akavhundusa Sisera nengoro dzake dzose, nehondo yake yose, neminondo inopinza pamberi paBharaki; Sisera akaburuka pangoro yake, akatiza namakumbo. Asi Bharaki wakatevera ngoro nehondo kusvikira paHarosheti ravahedheni, hondo yose yaSisera ikaurawa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyange nomumwe chete.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 4

Vatongi 4:4-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Panguva iyoyo Dhebhora muporofita wechikadzi, mudzimai waRapidhoti ndiye aitonga vaIsiraeri. Aitongera mhosva pamuti womurara wokwaDhebhora munyika yamakomo pakati peRama neBhetieri munyika yamakomo yokwaEfuraimu. VaIsiraeri vaitoenda ikoko kwaari kundotongwa mhosva dzavo. Dhebhora akatuma shoko rokuti Bharaki mwanakomana wavaAbhinoamu auye kwaari kubva kuKedheshi kwaNafutari akati kwaari, “Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ari kukutuma, ari kuti, ‘Enda utore zviuru gumi zvavarume vedzinza rokwaNafutari neraZebhuruni uvatungamirire kugomo reTabhori. Ndichakwezvera Sisera mutungamiriri wehondo yaJabhini, kuzosangana newe pedyo norwizi rwaKishoni nengoro dzake dzehondo, nezvikwata zvake zvavarwi ndigomuisa mumaoko ako.’ ” Bharaki akamuti, “Kana imi mukaenda neni ndinoenda, asi kana imi musingaende neni, iniwo handiende.” Dhebhora ndokuti, “Zvokuenda newe ndinoenda, asi namaitiro awada kuzviita nawo aya, iwe hausiwe uchava nembiri nokuti Tenzi achaisa Sisera mumaoko omunhukadzi.” Nokudaro Dhebhora akasimuka akaenda pamwechete naBharaki kuKedheshi. Bharaki akakokorodza vedzinza rokwaZebhuruni nevokwaNafutari kuKedheshi. Varume vanosvika zviuru gumi vakamutevera. Dhebhora akaenda pamwechete naye. Hebheri muKeni akanga apararana navaKeni, zvizvarwa zvokwaHobhabhu madzitezvara aMosesi. Akanga akandodzika matendhe ake kumuoku wokuZaananimu, uri pedyo nokuKedheshi. Kwakasvitswa shoko kuna Sisera rokuti Bharaki mwanakomana waAbhinoamu aenda kugomo reTabhori. Sisera akaunganidza ngoro dzake dzose dzehondo, mazana mapfumbamwe engoro dzehondo dzesimbi, navarume vose vaaiva navo kuHaroshetihagoiimu akaenda navo kurwizi rwaKishoni. Dhebhora akati kuna Bharaki, “Chivavinga. Ndozuva raiswa Sisera mumaoko ako naTenzi. Handiti izvozvi Tenzi ari kukutungamirirai here?” Saka Bharaki akadzika mugomo reTabhori aine gumi rezviuru zvavarume vaimutevera. Tenzi akaita kuti Sisera nengoro dzake dzose dzehondo, nehondo yake dzose vati ware kutiza Bharaki ovarwisa namapakatwa. Sisera akajitika mungoro yake yehondo ndokuti gumbo ndibereke otiza netsoka. Bharaki akadzingirirana nengoro dzehondo dzacho nehondo yacho kusvikira kuHaroshetihagoiimu. Hondo yose yaSisera yakaurayiwa namapakatwa, hapana kana nomumwe akapunyuka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 4

Vatongi 4:4-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Neŋguʋa iyo Debora, muprofitakadzi, mukadzi waRapidoti, wakaŋga acitoŋga ʋaIsraeri. Iye waigara pasi pomucindwe waDebora, pakati peRama neBeti‐eri, panyika yamakomo yaEfraimi; ʋana ʋaIsraeri ʋaisienda kwaari kuzotoŋgerwa mhaka dzaʋo. Iye akatuma nhume kundoɗana Baraki, mŋanakomana waAbinoami, paKedeshi‐naftari, akati kwaari: Jehova Mŋari waʋaIsraeri haana‐kukuraira here, aciti: Enda usweɗere kugomo reTabori, uende naʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋaʋana ʋaNaftari naʋana ʋaZeburuni? Neni ndicatumira kwauri kurukoʋa Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabini, neŋgoro dzake naʋanhu ʋake ʋazhinji, ndiʋaise muruʋoko rwako. Baraki akati kwaari: Kana imi mukaenda neni, ini ndicaenda, asi kana imi musiŋgaendi neni, ini handiŋgaendi. Iye akati: Ɀirokwaɀo ndicaenda newe, asi iwe hauŋgakudzwi parwendo urwu rwaunofamba, nokuti Jehova ucateŋgesa Sisera muruʋoko rwomukadzi. Debora akasimuka, akaenda Kedeshi naBaraki. Baraki akakoka Zeburuni naNaftari paKedeshi, akakwira anaʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋakaŋga ʋacimuteʋera; naDebora wakaenda ʋo naye. Ɀino Heberi muKeni, wakaŋga aparadzana naʋaKeni, iʋo ʋana ʋaHobabi, mukarabga waMosesi, akadzika tente rake kuȿikira pamuouki paZaananimi, paKedeshi. Ɀino ʋakaʋudza Sisera kuti Baraki, mŋanakomana waAbinoami, wakwira mugomo reTabori. Sisera akaʋuŋganidza ŋgoro dzake dzose, idzo ŋgoro dzamatare, dzinamazana mapfumbamŋe, naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo, kubva paHarosheti raʋahedeni kuȿikira parukoʋa Kishoni. Ɀino Debora akati kunaBaraki: Simuka, nokuti iri ndiro zuʋa raJehova, raacaisa naro Sisera muruʋoko rwako; Jehova haana‐kukutuŋgamirira here? Ipapo Baraki akaɓuruka pagomo reTabori, ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋacimuteʋera. Ɀino Jehova akavundusa Sisera neŋgoro dzake dzose, nehondo yake yose, neminondo inopinza pamberi paBaraki; Sisera akaɓuruka paŋgoro yake, akatiza namakumbo. Asi Baraki wakateʋera ŋgoro nehondo kuȿikira paHarosheti raʋahedeni, hondo yose yaSisera ikaʋurawa neminondo inopinza, hakuna‐kusara kunyaŋge nomumŋe cete.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 4

Vatongi 4:4-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)