Neŋguʋa iyo Debora, muprofitakadzi, mukadzi waRapidoti, wakaŋga acitoŋga ʋaIsraeri. Iye waigara pasi pomucindwe waDebora, pakati peRama neBeti‐eri, panyika yamakomo yaEfraimi; ʋana ʋaIsraeri ʋaisienda kwaari kuzotoŋgerwa mhaka dzaʋo. Iye akatuma nhume kundoɗana Baraki, mŋanakomana waAbinoami, paKedeshi‐naftari, akati kwaari: Jehova Mŋari waʋaIsraeri haana‐kukuraira here, aciti: Enda usweɗere kugomo reTabori, uende naʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋaʋana ʋaNaftari naʋana ʋaZeburuni? Neni ndicatumira kwauri kurukoʋa Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabini, neŋgoro dzake naʋanhu ʋake ʋazhinji, ndiʋaise muruʋoko rwako. Baraki akati kwaari: Kana imi mukaenda neni, ini ndicaenda, asi kana imi musiŋgaendi neni, ini handiŋgaendi. Iye akati: Ɀirokwaɀo ndicaenda newe, asi iwe hauŋgakudzwi parwendo urwu rwaunofamba, nokuti Jehova ucateŋgesa Sisera muruʋoko rwomukadzi. Debora akasimuka, akaenda Kedeshi naBaraki. Baraki akakoka Zeburuni naNaftari paKedeshi, akakwira anaʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋakaŋga ʋacimuteʋera; naDebora wakaenda ʋo naye. Ɀino Heberi muKeni, wakaŋga aparadzana naʋaKeni, iʋo ʋana ʋaHobabi, mukarabga waMosesi, akadzika tente rake kuȿikira pamuouki paZaananimi, paKedeshi. Ɀino ʋakaʋudza Sisera kuti Baraki, mŋanakomana waAbinoami, wakwira mugomo reTabori. Sisera akaʋuŋganidza ŋgoro dzake dzose, idzo ŋgoro dzamatare, dzinamazana mapfumbamŋe, naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo, kubva paHarosheti raʋahedeni kuȿikira parukoʋa Kishoni. Ɀino Debora akati kunaBaraki: Simuka, nokuti iri ndiro zuʋa raJehova, raacaisa naro Sisera muruʋoko rwako; Jehova haana‐kukutuŋgamirira here? Ipapo Baraki akaɓuruka pagomo reTabori, ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋacimuteʋera. Ɀino Jehova akavundusa Sisera neŋgoro dzake dzose, nehondo yake yose, neminondo inopinza pamberi paBaraki; Sisera akaɓuruka paŋgoro yake, akatiza namakumbo. Asi Baraki wakateʋera ŋgoro nehondo kuȿikira paHarosheti raʋahedeni, hondo yose yaSisera ikaʋurawa neminondo inopinza, hakuna‐kusara kunyaŋge nomumŋe cete.