Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 4:4-16

Vatongi 4:4-16 SCLBD

Panguva iyoyo Dhebhora muporofita wechikadzi, mudzimai waRapidhoti ndiye aitonga vaIsiraeri. Aitongera mhosva pamuti womurara wokwaDhebhora munyika yamakomo pakati peRama neBhetieri munyika yamakomo yokwaEfuraimu. VaIsiraeri vaitoenda ikoko kwaari kundotongwa mhosva dzavo. Dhebhora akatuma shoko rokuti Bharaki mwanakomana wavaAbhinoamu auye kwaari kubva kuKedheshi kwaNafutari akati kwaari, “Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ari kukutuma, ari kuti, ‘Enda utore zviuru gumi zvavarume vedzinza rokwaNafutari neraZebhuruni uvatungamirire kugomo reTabhori. Ndichakwezvera Sisera mutungamiriri wehondo yaJabhini, kuzosangana newe pedyo norwizi rwaKishoni nengoro dzake dzehondo, nezvikwata zvake zvavarwi ndigomuisa mumaoko ako.’ ” Bharaki akamuti, “Kana imi mukaenda neni ndinoenda, asi kana imi musingaende neni, iniwo handiende.” Dhebhora ndokuti, “Zvokuenda newe ndinoenda, asi namaitiro awada kuzviita nawo aya, iwe hausiwe uchava nembiri nokuti Tenzi achaisa Sisera mumaoko omunhukadzi.” Nokudaro Dhebhora akasimuka akaenda pamwechete naBharaki kuKedheshi. Bharaki akakokorodza vedzinza rokwaZebhuruni nevokwaNafutari kuKedheshi. Varume vanosvika zviuru gumi vakamutevera. Dhebhora akaenda pamwechete naye. Hebheri muKeni akanga apararana navaKeni, zvizvarwa zvokwaHobhabhu madzitezvara aMosesi. Akanga akandodzika matendhe ake kumuoku wokuZaananimu, uri pedyo nokuKedheshi. Kwakasvitswa shoko kuna Sisera rokuti Bharaki mwanakomana waAbhinoamu aenda kugomo reTabhori. Sisera akaunganidza ngoro dzake dzose dzehondo, mazana mapfumbamwe engoro dzehondo dzesimbi, navarume vose vaaiva navo kuHaroshetihagoiimu akaenda navo kurwizi rwaKishoni. Dhebhora akati kuna Bharaki, “Chivavinga. Ndozuva raiswa Sisera mumaoko ako naTenzi. Handiti izvozvi Tenzi ari kukutungamirirai here?” Saka Bharaki akadzika mugomo reTabhori aine gumi rezviuru zvavarume vaimutevera. Tenzi akaita kuti Sisera nengoro dzake dzose dzehondo, nehondo yake dzose vati ware kutiza Bharaki ovarwisa namapakatwa. Sisera akajitika mungoro yake yehondo ndokuti gumbo ndibereke otiza netsoka. Bharaki akadzingirirana nengoro dzehondo dzacho nehondo yacho kusvikira kuHaroshetihagoiimu. Hondo yose yaSisera yakaurayiwa namapakatwa, hapana kana nomumwe akapunyuka.

Verenga chikamu Vatongi 4