Nenguva iyo Dhebhora, muporofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, wakanga achitonga vaIsiraeri. Iye waigara pasi pomuchindwe waDhebhora, pakati peRama neBheti-eri, panyika yamakomo yaEfuremu; vana vaIsiraeri vaisienda kwaari kuzotongerwa mhaka dzavo. Iye akatuma nhume kundodana Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, paKedheshi-nafutari, akati kwaari, “Jehovha Mwari wavaIsiraeri haana kukuraira here, achiti, ‘Enda uswedere kugomo reTabhori, uende navarume vane zviuru zvine gumi vavana vaNafutari navana vaZebhuruni? Neni ndichatumira kwauri kurukova Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake navanhu vake vazhinji, ndivaise muruoko rwako.’ ”
Bharaki akati kwaari, “Kana imi mukaenda neni, ini ndichaenda, asi kana imi musingaendi neni, ini handingaendi.” Iye akati, “Zvirokwazvo ndichaenda newe, asi iwe haungakudzwi parwendo urwu rwaunofamba, nokuti Jehovha uchatengesa Sisera muruoko rwomukadzi.” Dhebhora akasimuka, akaenda Kedheshi naBharaki. Bharaki akakoka Zebhuruni naNafutari paKedheshi, akakwira ana varume vane zviuru zvine gumi vakanga vachimutevera; naDhebhora wakaendawo naye.
Zvino Hebheri muKeni, wakanga aparadzana navaKeni, ivo vana vaHobhabhi, mukarahwa waMosesi, akadzika tende rake kusvikira pamuouki paZaananimu, paKedheshi.
Zvino vakaudza Sisera kuti Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, wakwira mugomo reTabhori. Sisera akaunganidza ngoro dzake dzose, idzo ngoro dzamatare, dzina mazana mapfumbamwe, navanhu vose vaakanga anavo, kubva paHarosheti ravahedheni kusvikira parukova Kishoni.
Zvino Dhebhora akati kuna Bharaki, “Simuka, nokuti iri ndiro zuva raJehovha, raachaisa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kukutungamirira here?” Ipapo Bharaki akaburuka pagomo reTabhori, varume vane zviuru zvine gumi vachimutevera. Zvino Jehovha akavhundusa Sisera nengoro dzake dzose, nehondo yake yose, neminondo inopinza pamberi paBharaki; Sisera akaburuka pangoro yake, akatiza namakumbo. Asi Bharaki wakatevera ngoro nehondo kusvikira paHarosheti ravahedheni, hondo yose yaSisera ikaurawa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyange nomumwe chete.