VaEfeso 4:14-21
VaEfeso 4:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo. Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu. Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo. Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo. Vakasvibiswa mukunzwisisa kwavo uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mavari nokuda kwoukukutu hwemwoyo yavo. Vasisina hanya, vakasvika kuutera kuitira kuti vagoita mabasa ose etsvina, nokuchiva zvakawanda. Kunyange zvakadaro, imi hamuna kuziva Kristu saizvozvo. Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu.
VaEfeso 4:14-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera; asi tireve chokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro; muviri wose wakasanganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzinosimbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata basa nechiyero chawo kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo. Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi muna Ishe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo, vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo; vakazvipa vasina hanya kuutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nookuchiva. Asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo, kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri chokwadi muna Jesu
VaEfeso 4:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi zvinoita kuti tirege kuramba tiri vana vanoitwa sukunasai vanongopeperetswa kose kose nechidzidziso chipi nechipi choujarijari hwavanhu nokusvinuka kwavo muunyengedzi. Asi, zvirinani kutaura chokwadi murudo. Tinofanira kukura muna zvose maari iye musoro, Kristu. Ndiye anoita kuti muviri wose ukure uchizviumba murudo wakabatana uye wakarukana nenhengo dzose dzauinadzo chero nhengo imwe neimwe ichiita basa rayo zvakanaka. Zvino izvi ndizvo zvandinotaura ndichisimbisisa kwazvo muzita raTenzi kuti hamufaniri kunge muchagara savahedheni nepfungwa dzavo dzisina maturo. Pfungwa dzavo dziri murima. Vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari pamusana pokushaya ruzivo kuri mavari nokuda kokuomarara kwavo komwoyo yavo. Havasisina nyadzi; kana kuzvibata uye vanamakaro. Hazvisiri izvo zvamakadzidza pana Kristu. Makanzwaka imi nezvake mukadzidziswa maaari chokwadi sezvachiri muna Jesu.
VaEfeso 4:14-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kuti tirege kuramba ticiŋgoʋa ʋacece, ticizunuŋguswa nokudziŋgwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyeŋgera kwaʋanhu, namano, kuti ʋatsause nokunyeŋgera; asi tireʋe ɀokwaɗi muruɗo, tigokura maari paɀose, iye Kristu, Musoro; muʋiri wose wakasoŋganiswa ɀakanaka maari nokuɓatanidzwa nenheŋgo dzose dzinosimbisa, mutezo mumŋe nomumŋe uciɓata neciyero cawo, kuti muʋiri ukuriswe pakuʋakwa kwawo muruɗo. Naiɀoɀo ndinoreʋa nokupupura cinhu ici munaShe, ndiciti, musaramba mucifamba saʋahedeni, ʋanofamba ʋo noʋupenzi bgokuraŋgarira kwaʋo, ʋakaȿiɓirwa pakunzwisisa kwaʋo, ʋari ʋatorwa paʋupenyu bgaMŋari nokuɗa kwokusaziʋa kuri mukati maʋo, nokuɗa kwoʋukukutu bgomŋoyo yaʋo; ʋakaɀipa ʋasinehanya kuʋutere, kuti ʋaɓate maɓasa ose etȿina nokuciʋa. Asi imi hamuna‐kudzidza Kristu saiɀoɀo, kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri ɀokwaɗi munaJesu
VaEfeso 4:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)