Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaEfeso 4:14-21

ƲaEfeso 4:14-21 SUB1949

kuti tirege kuramba ticiŋgoʋa ʋacece, ticizunuŋguswa nokudziŋgwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyeŋgera kwaʋanhu, namano, kuti ʋatsause nokunyeŋgera; asi tireʋe ɀokwaɗi muruɗo, tigokura maari paɀose, iye Kristu, Musoro; muʋiri wose wakasoŋganiswa ɀakanaka maari nokuɓatanidzwa nenheŋgo dzose dzinosimbisa, mutezo mumŋe nomumŋe uciɓata neciyero cawo, kuti muʋiri ukuriswe pakuʋakwa kwawo muruɗo. Naiɀoɀo ndinoreʋa nokupupura cinhu ici munaShe, ndiciti, musaramba mucifamba saʋahedeni, ʋanofamba ʋo noʋupenzi bgokuraŋgarira kwaʋo, ʋakaȿiɓirwa pakunzwisisa kwaʋo, ʋari ʋatorwa paʋupenyu bgaMŋari nokuɗa kwokusaziʋa kuri mukati maʋo, nokuɗa kwoʋukukutu bgomŋoyo yaʋo; ʋakaɀipa ʋasinehanya kuʋutere, kuti ʋaɓate maɓasa ose etȿina nokuciʋa. Asi imi hamuna‐kudzidza Kristu saiɀoɀo, kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri ɀokwaɗi munaJesu

Verenga chikamu ƲaEfeso 4