Izvi zvinoita kuti tirege kuramba tiri vana vanoitwa sukunasai vanongopeperetswa kose kose nechidzidziso chipi nechipi choujarijari hwavanhu nokusvinuka kwavo muunyengedzi. Asi, zvirinani kutaura chokwadi murudo. Tinofanira kukura muna zvose maari iye musoro, Kristu. Ndiye anoita kuti muviri wose ukure uchizviumba murudo wakabatana uye wakarukana nenhengo dzose dzauinadzo chero nhengo imwe neimwe ichiita basa rayo zvakanaka. Zvino izvi ndizvo zvandinotaura ndichisimbisisa kwazvo muzita raTenzi kuti hamufaniri kunge muchagara savahedheni nepfungwa dzavo dzisina maturo. Pfungwa dzavo dziri murima. Vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari pamusana pokushaya ruzivo kuri mavari nokuda kokuomarara kwavo komwoyo yavo. Havasisina nyadzi; kana kuzvibata uye vanamakaro. Hazvisiri izvo zvamakadzidza pana Kristu. Makanzwaka imi nezvake mukadzidziswa maaari chokwadi sezvachiri muna Jesu.
Verenga chikamu Vaefeso 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vaefeso 4:14-21
5 Mazuva
Takadanwa kuti titungamirire sezvakaita Jesu. Hutungamiri hunotanga nemunhu, kwete chinzvimbo, uye chinangwa cheutungamiri ndechekufambisa vanhu vaMwari muzvinangwa zvake. Chimwe nechimwe chezviverengero zvezuva nezuva izvi chichakubatsira iwe kuisa hwaro hwakasimba mumamiriro ako ehutungamiriri, ichikuyeuchidza kuti iwe usati wave mutungamiri uri muranda, uye usati wave muranda uri mwana anodiwa waMwari.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo