Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo. Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu. Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo. Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo. Vakasvibiswa mukunzwisisa kwavo uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mavari nokuda kwoukukutu hwemwoyo yavo. Vasisina hanya, vakasvika kuutera kuitira kuti vagoita mabasa ose etsvina, nokuchiva zvakawanda. Kunyange zvakadaro, imi hamuna kuziva Kristu saizvozvo. Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu.
Verenga chikamu VaEfeso 4
Terera ku VaEfeso 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaEfeso 4:14-21
5 Mazuva
Takadanwa kuti titungamirire sezvakaita Jesu. Hutungamiri hunotanga nemunhu, kwete chinzvimbo, uye chinangwa cheutungamiri ndechekufambisa vanhu vaMwari muzvinangwa zvake. Chimwe nechimwe chezviverengero zvezuva nezuva izvi chichakubatsira iwe kuisa hwaro hwakasimba mumamiriro ako ehutungamiriri, ichikuyeuchidza kuti iwe usati wave mutungamiri uri muranda, uye usati wave muranda uri mwana anodiwa waMwari.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo