Jakobho 4
4
Kusava noUshamwari noNyika
1Chii chinokonzera hondo, chii chinokonzera botso pakati penyu? Zvinobvaba pazvido zvenyu zvinohwisana mukati menyu? 2Munoda chinhu asi hamuchiwane, saka munobaya. Futi munochiva asi hamuwane zvamunoda saka munoita botso nokumutsa hondo, futi hapanai chamunacho, ndava munokumbiraba Mwari. 3Pamunokumbira hamutambire, ndava hamukumbirire buya, kundoda kuzvifadza nazvo. 4Imi mhombo dzovanhu, munozivaba nai kuti ushamwari nonyika kuita mhandu yaMwari? Saka wese anoda kuva shamwari yonyika anozviita muvengi waMwari. 5Kana kuti munofunga kuti gwaro rinotaura mahara kuti Mwari anotipfira noshungu nokuda kwomweya waadogarisa matiri? 6Asi anopasa mutsa dzidowanda. Ndokusaka gwaro richiti, “Mwari anopikisana novanozvikudza, asi anopasa mutsa anozvininipisa.”
7Zviisei ndipo pasi paMwari. Dzivisai jabhurosi, kuti akutizei. 8Nyedzai papfupi naMwari iye achanyedzawo kwamuri. Shambai manja yenyu, imi vatadzi, chenesai mwoyo yenyu, imi vomufungo miviri. 9Dodomai zviso, rirai muite maundu, musandure kuseka kwenyu kuve kurira nokufara kwenyu kuve kudodoma kwozviso. 10Zvininipisei pamberi paIshe, iye achakukwiridzirai.
Chenjedzo pamusoro poKutongana
11Hama, rekai kumbonyaira zvokunyangadzirana. Wese anonyaira achinyangadzira hama yache kana kumutonga, anotaura achinyangadzira mutemo nokuutonga. Kana uchitonga mutemo, hausi kuuchengeta, asi watova mutongi wawene. 12Panondova noMupi womutemo mubodzi nomutongi, ndiye anogona kuponesa nokuparadza. Asi iwepa ndiwe yani kuti utonge mabiyako?
Chenjedzo Pamusoro Pokuzvikudza
13Manje tetekerai vakaremi munoti, “Nasi kana mangwana tichaenda kuguta rakati, toita gore tiri kwakareko, tichiita maronda nokuwana mari.” 14Apa munozivaba zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inooneka nguwa ipfupipfupi yonyangarika. 15Maitofanira kuti, “Kana kuri kuda kwaIshe, tikararama tichaita chokuti nochokuti.” 16Asi manje munozvikudza nokuzvipembedza. Kuzvikudza kwakareko kwese kudoipa.
17Uyo wese anoziva zvidonaka zvaanofanira kuita akareka kuzviita, nyhitema kwaari.
Zvasarudzwa nguva ino
Jakobho 4: KBT
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
The Word for The World International