Jakobho 3
3
Chirimi
1Hama dzangu, rekai kuva vadzidzisi vadowanda, ndava munoziva kuti isisu tinodzidzisa tichanyanyitsa kutongewa. 2Tese tinogwetsewa nomitoo idowanda. Kana munhu asingaphonye pakutaura, munhu wakareyo adokwana, anokonawo kuchengetedza muviri wache wese. 3Patinoisa mathomu mumiromo yomabhiza kuti yatiteerere, tinokhonesa muviri wayene wese. 4Kana kutora muenzaniso wozvikepe, kana zvidotokura sei uye zvichisundiwa nomhepo inosimba, zvinokhomutsiwa nochidzoreso chidikidiki zvichienda kunodiwa nomuchairi. 5Ndomwenze chirimi nyhidikidiki pamuviri, asi chinozvikudza maninge.
Fungai makuriro yosango rinopisiwa nokamoto kadikidiki! 6Kana nochirimi moto, inyika yozvidoipa pakati ponhengo dzomiviri yedu, chinosvipisa muviri wese womunhu, chinobatidza moto upenyu hwese, icho pachacho chinobatidziwa nomoto wogehena. 7Marudzi yomhuka dzese, tushiri, zvinosvova nozvirombo zvomugungwa zvinogona kupingudziwa uye zvidombopingudziwa nomunhu, 8asi hapanai munhu anokwanisa kupingudza chirimi. Hachidekharike pakuipa, chidozara nonduru inobaya. 9Nochirimi tinorumbidza Ishe naBaba, nacho tinotukana vanhu, vadosikiwa mumufananidzo waMwari. 10Kubva mumuromo mubodzi bodziyo munobirika rumbidzo nokutukana. Hama dzangu izvozvo zvinofaniraba kudaro. 11Ko kasipiti kangabirike mvura idonaka noinochochora nai? 12Hama dzangu, mukuyu ungabereke maorivhi, kana muzambiringa kubereka huyu? Nokasipiti komvura inochochora hakangabiritse mvura idonaka.
Kuchenjera kunobva Kudzuru
13Mbani adochenjera noanonzvitsitsa pakati penyu? Mbaazvinangidze noupenyu hwache hudonaka, nozviito zvinoitiwa mukupfava kunobva pauchenjeri. 14Asi kana ukachengeta chanje inovava nokunyangarihwa mumwoyo mako, reka kuzvirumbidza nazvo nokubhwodokera chokwadi. 15“Uchenjeri” hudodaro hunobvaba kudenga asi ngwonyika, husiri hwomweya, ngwomashave. 16Ndava panousvinu nokunyangarihwa, ndipo pamunowana kunyongana nokuita kwese kudoipa. 17Asi uchenjeri hunobva kudenga chokuthanga hudochena, hunofarira runyararo, hudopfava, hunozvideredza, huzere notsitsi nochibereko chidonaka, hahunai rusaruro hahusi hwomusese. 18Vayananisi vanojara murunyararo vanokohwa goho rokururama.
Zvasarudzwa nguva ino
Jakobho 3: KBT
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
The Word for The World International